Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Mimwe Michina yeKunyoresa VaVhoti yeBVR Yapinda muNyika


Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vanoti mimwe michina yekunyoresa vanhu kuti vakwanise kuvhota ye biometric voter registration kana kuti BVR yasvika munyika kubva kukambani Laxton Group of Companies.

Amai Makarau vanoti kutanga neMuvhuro vanenge vatanga hurongwa hwekudzidzisa vanhu vachazonodzidzisawo vamwe vanhu mumatunhu ose enyika.

Panopera hurongwa uhu, panobva patanga humwe hurongwa hwekunyoresa vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Amai Makarau vati michina yapinda munyika parizvino inosvika mazana mana uye vari kutarisira michina zviuru zviviri nemazana matanhatu kuti vakwanise kutanga hurongwa hwekunyoresa vanhu vangangosvika mamiriyoni manomwe. Vatiwo vanokwanisa kupedza hurongwa uhu gore risati rapera.

Vachitaura nezvekuraswa nematare kwesarudzo dzemutungamiri wenyika yeKenya, Amai Makarau vati zvakakosha kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena kuti pasave nekunetsana. Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo gore rinouya.

Hurukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG