Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Ivo naVaTsvangirai Vakazvipira Kuumba Mubatanidzwa


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party Amai Joice Mujuru avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika vanoti vane chivimbo chekuti nhaurirano nemutungamiri webato reMDC-T VaMorgan Tsvangirai dzichabudirira sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

Amai Mujuru vanoti kubva zvavakanyorerana chibvumirano chekuuumba hwaro hwekushanda vose neVaTsvangirai che Memorandum of Understanding kana kuti MOU vachine chinangwa chekushanda vose.

Vati nyaya yekuti vainge vasiri kuZimbabwe Grounds, Highfield pakanyoreranwa chibvumirano chemushandirapamwe nemapato manomwe achiumba MDC Alliance hazvirevi kuti nhaurirano dzakundikana. Vanoti vari kuita pota neko tisangane neMDC.

Amai Mujuru vati zviri pachena kuti kana pasina kubatana kukunda musarudzo zvichanetsa. Sarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kuitwagore rinouya uye Zanu-PF yakatosarudza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vatungamire bato iri.

Hurukuro naAmai Joice Mujuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG