Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro kuBulawayo Rinoti Mutevedzeri waMeya VaBanda Ngavadzoserwe paBasa


VaGift Banda
VaGift Banda

Dare repamusoro muBulawayo rakapa mutongo wekuti vaimbove mutevedzeri wameya weguta iri, VaGift Banda, vadzokere pachinzvimbo chavo.

Mutongi wedare iri Justice Martin Makonese vakapa mutongo uyu mangwanani emusi weChina.

VaBanda vaive vambomiswa basa negurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSavior Kasukuwere muna Gunyana gore rapera. Vakazodzingwa basa mushure mekunge tribunal yaive yasarudzwa naVaKasukuwere kuti iferefete nyaya iyi yavati vaive vabatwa nemhosva yavaipomerwa yekushandisa chinzvimbo chavo kuti vatenge imwe nzvimbo yekuvakira zvisiri pamutemo.

Mushure mekudzingwa kwazvo, VaBanda vakakwira kudare reHigh Court vachipikisa kudzingwa uku.

Mumutongo wavo Justice Makonese vati mushure mekuzeya nyaya iyi, vakaona kuti tribunal yakatadza pakuwana VaBanda vaine mhosva sezvo zvaive pachena kuti hapana mutemo wavaive vatyora mukutenga kwavakaita nzvimbo yekuvakira iyi.

Nekudaro Justice Makonese vati VaBanda vanofanirwa kudzorerwa pachinzvimbo chavo chekuve kanzura uye mutevedzeri wameya weguta reBulawayo.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvekutongwa kwematunhu panyaya iyi.

Gweta raVaBanda VaKholwani Ngwenya vaudza Studio 7 kuti vange vasati vaona magwaro emutongo uyu asi vati vari kufara zvisiri nekuti vaiziva kuti VaBanda vaisave nemhosva kubvira pekutanga.

VaNgwenya vati pavanongowana magwaro emutongo uyu vachaasvitsa kukanzuru yeguta reBulawayo kuti VaBanda vadzokere pachinzvimbo chavo sezvataurwa nedare.

Vatiwo vanotarisirawo kuti VaBanda vapiwevo mari yose yavaifanirwa kuwana kubvira pavakamiswa basa kusvikira pair zvino sezvataurwawo mumutongo uyu.

Mutauriri webato reMDC T VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 parunhare kuti mutongo wanhasi uno ratidza pachena zvinogarotaurwa nevebato ravo makanzura avo kunyanya mumaguta, vanopomerwa mhosva dzemanyepo senzira yebato riri kutonga reZanu PF rekushungurudza vatsigiri varo.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG