Accessibility links

Breaking News

Vamwe VaKwegura Vanoti Havasi Kupihwa Ruremekedzo Rwakakwana


Kupindana kwemazuva pamunhu agara pabasa kunouya nekutya mukati kune vakawanda pamusoro pekusada kutambira kugwegura.

Kare vanhu vaifara kana vave kuregedza basa voenda pamudyandigere nekuti vanenge voenda kunozorora vachipihwa mari yaiita kuti vazvirongere hupenyu hwakatambanuka.

Asi kare haagare ari kare. Mazuva ano vanosiya mabasa havachahore mari inovararamisa. Vazhinji vavo vave kunetseka kuwana mari yemudyandigere mumabhangi.

Amai Linda Muzoremba inyanzvi yekudzidzisa mashandisirwo emichina mikuru yekugadzirisa zvinhu pane imwe kambani muHarare. Vanoti vakawanda vanosiya mabasa vanotorwara nekuti hana dzinenge dzisisina kugadzikana.

“Zvekuti unosiya basa usina kugadzirira remangwana munhu anozviona kunge akandwa mudesert, akuenda kwakaomarara.” Amai Muzoremba vanoenderera mberi vachiti, “Vakawanda vanenge vasina kugadzirira hupenyu hwavo, kwete kuti ari ignorant kana chii. Chero anga achida nekuti iye zvino munhu anenge achishanda from hand to mouth. Zvino oti kana ndikasiya basa ndozodii. Saka vane ma fears iwayo ekuti ko vana vangu?”

Amai Muzoremba, avo vane makore makumi mana nerimwe, vanoti izvi zvinokonzerwa nekuti vakawanda vanorarama pamabasa zvisina uchenjeri, vasingarongi remangwana ravo.

“Wherever you are ingofambisa fambisa maziso ungova nema resources aripo.” Ndizvo zvandinoita inini. Saka ukasiya basa uri munhu ambenge achitenderera unogona kuisa kamwe kamari pa side. Unenge uine ka vision neka hope kekuti ndinogona kurarama this way and that way unlike munhu asina kumbobvira acrosser border.”

Baba Philemon Kambarami vanodzidzisa hunyanzvi hwemagetsi pane imwe kambani muHarare. Baba Kambarami, avo vane makore makumi matanhatu nerimwe, vanoti vashandi vane hunyanzvi havafanire kusiyiwa ruzivo rwavo rwuchingo tsakatika vachinzi vakura.

“Anenge atori nepfungwa dziri pamusoro. Akabva zviripo zvisati zvavepo, anoona futi kunaka kwekanga kuripo nekwavepo. Saka anogona kukupai ma advice mukafamba nemunhu akadaro, kuti chii chaiitika. Kana muchida nhoroondo anogona kukupa imuchiona kuti chakanaka ndechipi nechatiri kufunga.”

Baba Kambarami vanoti chirongwa chekuunza hupfumi kuvanhu vatema chinogona kubudirira nyore nyore nekuda kwehunyanzvi nemazano evechikuru vakasiya mabasa vari kungotenderera kumaruwa.

“Dai kuri kuti vanhu vanocherechedza pakambani dzinenge dzichibatsira chaizvo munyika, mukaona kuti yakuparara zvakanaka kutora nyanzvi dzedzinoziva. Kana kunotaurwa nezve indigenous uchivhura nenyanzvi dzinoziva handifungi kuti tingarare pasi nekuti nyanzvi dziriko. Chakanyanyekunakisa ndechekuti nyanzvi idzodzo dzine chido nebasa radzo here?”

Baba Trainos Zhou, avo vane makore makumi matanhatu neanoraudzira vanoita basa rekurairidza mashandisirwo emabhuku pane chimwe chikoro muHarare.

Vanoti hurumende inofanira kutsvaga nzira dzekutora vanosiya mabasa nekuda kwekupindana kwemazuva kuti vabatsire mumakambani nemuhurumende.

“Nhasi uno tikatarisa maticha mamwe akangogara arimo mumaruzevha ane hunyanzvi hwavo, vaiziva kuona zvimwe zvinhu zvichifamba nenzira yakanaka havachatarisiswi.”

Vanotiwo, “Unotarisa woona kuti pamisangano vanongoenda kunoatenda asi havapihwi mukana wekuti dombotitaurirai kana kuti mombotipa nzwisiso yakat ihapasisina.”

Sekuru Lameck Chigundu vane basa guru kwazvo mumusha wekwa Nhekairo kuHwedza.

VaChigundu, avo vane makore makumi mapfumbamwe nemashanu, vakadzidzira hunyanzvi hwekurera zvipfuyo. Vanodeedzwa nevemumusha kana mombe yarwara.

Vanoti pari kukanganisika mazuva ano ndepekuti veruzhinji vakuonera pasi vanhu vakwegura.

“Kwemunhu akura anonzi akwegura chinhu chihombe stereki. Anopa mazano. Kune vakakura kudhara vechidiki vane zvishoma zvavanoziva pamusoro penguva yakapera. Iye zvino vangadai vari kungotaurazve history yakapera mumabhuku kwete kuti yake yaanotaurirwa nemunhu akwegura.”

Sekuru Chigundu vanoti vechikuru vakubatwa nekuseri kwemaoko nekuti vanenge vachinzi varombo.

“Kana uchitaura chokwadi chaicho usingadhoneti mari hapana chaunenge uchitaura. Vechidiki kana achitaura achipa mari achidii, hwahwa uhu vanhu vachinwa ndiye anonzi arikugona kune mazuvano.”

Izvi zvinotsinhirwa namAbuya Ellen Togara vemumusha makaremo avo vave nemakore anodarika makumi manomwe. Vanoti vechikuru vakakosha kuve navo muhupenyu.

“Kutaurirana mazano kuti dai taita chakati torongapamwe chete tichiwirirana, vanhu vachitenderana ndizvo zvinenge zvirinani. Makare kare vanhu vakanga vakagara zvakanaka, zvino iye zvino kuti mutaurirane uyu anenge achironga chake uyu achironga chake. Kuti tironge tichidaro ndizvo zvinobata musha.”

Mbuya Togara vanoti matambudziko ari kusanganikwa nawo kune vechidiki anogona kupera, vemazera aya vakaremekedza hunyanzvi nemazano evakwegura.

“Munenge muchifanira kuti mugadzirise kuti mwanangu gara zvakanaka zvino mumwe haanzwe, anenge achiti vanozondii, asi anenge achitoziva kuti ari kutorasika mugwara. Ngaachitenda kuti zvandataurirwa izvi ndochizvibatawo ndogara nazvo mumwoyo ndotii chichandaudzwa ichi ndochichibata ndoitawo zvakanaka. Vakomana vemazuvano havachanzwa, kana ukamuraira anoti vanondidii vari kundinetsa ava. Ndozvavanoita asi vachitoziva kuti vari kurasikirwa nehupenyu.”

Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu dzinoti zvakakosha kuti vakwegura vanenge vachine ruzivo rwemabasa avanogona, uye vachiratyidza kuti hutano hwavo huchakanaka, varambe vachikurudzirwa kupa vachiri kukura mazano anoita kuti nyika iienderere mberi nebudiriro yakanaka yenyika.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG