Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo kumapurazi ekuChinhoyi, mushure mekunge vechidiki vebato reZanu-PF vatora purazi remumwe muchena VaBruce Douglas kuLions Den. Vechidiki ava vatovaka zvitangwena vamwe vachivaka dzimba.
zvi zviri kuuya panguva iyi vamwe vachena vakatorerwa mapurazi munyika vachishanda nesangano reAfriforum vazivisa kuti vaizoenda kumatare uye kuSADC kuti vamanikidze mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nehurumende yavo kuti vavape mari yemuripo pamapurazi avakatorerwa uye kumisa tsika yatanga yekutora mapurazi nechisimba.
Vechidiki ava vanonzi vakatora nzvimbo yakakura mahekiteya makumi mashanu svondo rapera uye kusvika pari zvino vachiri kugovana nzvimbo dzekuvakira dzimba vachiti hapana kwavachaenda.
Studio 7 payasvika panzvimbo iyi nhasi vamwe vanhu vanga vari mubishi kuvaka zvimatumba zvavo vachiti vakamirira mepu kubva kukanzuru.
Amai Shamiso Nyakabeza mumwe wevanhu vanga vachivaka katumba kavo vaine mwana kumusana.
Amai Nyakabeza vanoti kunyange vasina mari yekuvaka parizvino vane chivimbo chekuti vachawana mari yekuvaka imba yavo panzvimbo yavakapihwa neMugovera.
Amai Nyakabeza vanoti vakanzi vabhadhare mari inosvika mazana matatu emadhora kuti vatange kuvaka.
Mumwe mukuru wevechidiki mubato reZanu PF, VaShylock Tembelani anoti vakafunga zvekutora nzvimbo iyi nekuti VaDouglas vainge varamba nenzvimbo iyi apo vakakumbirwa nekanzuru.
Asi vamwe vagari vemuLions Den vakaita saVaSamuel Sande vanoti zviri kuitwa nenhengo dzebato reZanu PF mucherechedzo wekuti munyika hamutevedzerwi mutemo sezvo nzvimbo yavakatora iri yemunhu zviri pamutemo.
Mumwe mugari wemuLions Den asina kuda kudomwa nezita sezvo achitya kuzorohwa anoti zviri kuitika zvinoratidza kuti hurumende yatadza kupa vanhu pekugara mumadhorobha makore makumi matatu nemanomwe nyika yawana kuzvitonga kuzere.
VaDouglas vanoti nzvimbo yatorwa iyi harisi purazi asi inzvimbo yemudhorobha ine mapepa zviri pamutemo.
VaDouglas vanoti vari kutaurirana nekanzuru kuti vaone kuti vangaite sei kupedza dambudziko riripo.
Vechidiki veZanu PF vari kufamba mumadhorobha akawanda vachitora nzvimbo dzekuvakira dzimba nechisimba. Izvi zvinonzi zviri kuitwa zvakanangana nesarudzo dzegore rinouya zviri kupa kuti mapurisa angopeta maoko achivasiya vachiita madiro aJojina.
MuChinhoyi vamwe vakatora nzvimbo yekuvakira mupurazi raVaSwanapool riri pedyo neguta mumugwagwa unoenda kuChegutu.
Facebook Forum