Accessibility links

Breaking News

Rimwe Sangano reveChidiki Rofamba Mudzimba Richikurudzira Vamwe Kuti Vaongororwe Ropa


Vamwe vechidiki vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vachishanda nesangano rakazvimiririra roga reAfricaid Zvandiri vatanga chirongwa chekufamba mudzimba dzine vechidiki vachivakurudzira kuongororwa ropa.

Mumwe wevechidiki anoshanda neAfricaid, Muzvare Vengai Hadji anoti vakatanga chirongwa che self-testing pamwe nekuti vechidiki vaongororane ropa mudzimba mushure mekuona kuti vechidiki vazhinji havana kusununguka kunoongororwa ropa kuzvipatara kana nzvimbo dzinenge dzine veruzhinji.

Muzvare Hadji vakaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vechidiki vaongorerwe ropa kuitira kuti vanowanikwa vaine hutachiona vakurumidze kuiswa pamushonga uye kudzivirira kupararira kwehutachiona.

Mumwe wevechidiki anorarama nehutachiona hweHIV/AIDS Tanyaradzwa Vinho anotiwo kuongororwa ropa kune vechidiki hakusi nyore. Vinho anoti vechidiki vari kutambira chirongwa ichi apo vechidiki vanenge vachikurudzirana kuongororwa kweropa.

Imwe nyanzvi munyaya dzechirwere cheHIV/AIDS Amai Rudo Ahlabu vati zvakakosha kuti vechidiki vakurudzirane kutorwa rop sezvo vari vezera rimwe chete.

Gwaro reongororo rakabuditswa neUNAIDS rinoratidza kuti kunyange hazvo ndufu dzine chekuita neHIV/AIDS dziri kuderera kubva mugore ra2005, vechidiki vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi maviri nemana vari kusarira munyaya dzekuongororwa ropa nekuwana mishonga yeHIV/AIDS.

Munguva shoma yapfuura munyori mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji vakaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti zvirongwa zveHIV/AIDS zviumbwe nenzira dzinoita kuti vechidiki vasununguke kuwana zvirongwa izvi.

Amai Ahlabu vati chirongwa cheAfricaid Zvandiri ndechimwe chechirongwa chinobatsira kuti vechidiki vasununguke kuwana zvirongwa zveHIV/AIDS//

Zvichakadaro, vamwe vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vanoti vave kushaya mapiritsi avanofanira kunwa pazuva. Zvinonzi vari kunzi vatenge mamwe mapiritsi avaimbowana pachena.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa kuti tinzwe kuti chii chakonzera dambudziko iri.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG