Hondo inotyisa yange yamuka pakati pekambani yeAir Zimbabwe neSouth African Airways inonzi haisati yanyatsopera zvopa kuti kufamba kwendege pakati penyika mbiri idzi kukanganisike.
Kunetsana uku kwakatanga nemusi weChishanu zvakapa kuti ndege dzimbotadza kubhururuka zvichikonzerwa nenyaya yemamwe magwaro anonzi neSouth Africa ange asina kumira zvakanaka.
Magwaro aya anonzi Foreign Operations Licenses. South Africa yakamisa ndege yeZimbabwe kubhururuka kubva kuJohannesburg ichienda kuHarare. Zimbabwe yakabva yamisawo ndege dzeSouth Africa kupinda kana kubuda munyika.
Vanhu vazhinji vari kukanganiswa zvikuru mafambiro avo pakati penyika mbiri idzi.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo vati mari iri kudiwa inosvika zviuru zvitatu pandege imwe chete. VaGumbo vati haina kuwanda uye makore ose vaingoshanda neSouth Africa pasina aiti anoda magwaro aya.
Parizvino, ndege shoma ndidzo dziri kubhururuka pakati peZimbabwe neSouth Africa nyaya dzemagwaro aya dzichigadziriswa.
Facebook Forum