Accessibility links

Gweta raGabriella Engels Rinoti Amai Mugabe Vakabvumidzwa Kubuda muSouth Africa Zvichanetsa Kuti Nyaya Yavo Itongwe Nemazvo

  • Blessing Zulu

Muzvare Gabriella Engels.

Gweta raMuzvare Gabriella Engels avo vanonzi vakarohwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe kuSandton South Africa, VaGerrie Nel vati Amai Mugabe vakapihwa mukana wekubuda munyika iyi vachibatwa semunyarikani uyu zvichanetsa kuti nyaya iyi itongwe zvakanaka.

Nhepfenyuro yeSouth African Broadcasting Corporation kana kuti SABC nemusi weChishanu yainge yati pane mashoko ekuti hurumende yeSouth Africa icharegera Amai mugabe vachibuda munyika iyi kudzokera kuZimbabwe kana kuti kuvapa “diplomatic immunity” kuti vasasungwe kana kuendeswa kumatare nemhosva yavari kupomerwa yekurova Muzvare Gabriella uyo wavakaona aine vana komana vavo muhotera iri musandton, South Africa.

VaGerrie Nel ndivo vakachuchisa mumhanyi Oscar Pistorius muna 2014.
VaGerrie Nel ndivo vakachuchisa mumhanyi Oscar Pistorius muna 2014.

Asi mashoko aya ari kurambwawo nevamwe muhurumende iyi vachiti Amai Mugabe vanofanira kuendeswa kumatare. VaNel vaudza Studio 7 kuti havasati vanzwa kubva kuhurumende yeSouth Africa.

Vatiwo Amai Mugabe vakapihwa mukana wekubuda munyika vari kuzoenda kudare repamusoro zvichamisa hurongwa hwavo hwekubuda munyika iyi. Patavabvunza kuti pane magweta here ari kumiririra amai mugabe, vanel vati vangonzwa kubva kune magweta emuzinda wezimbabwe kuSouth Africa vachivakumbira kuti kana vakaenda kumatare vavapewo mapepa acho.

Vati vavaudza kuti vachaita sekudaro. VaNel vatendawo kuti Amai Mugabe vakatenderwa kupinda munyika iyi, zvichanetsa kuti nyaya iyi itongwe zvakanaka.

Parizvino mapurisa emuSouth Africa anoti akarinda kumabhodha ose kuti aone kuti Amai Mugabe havabude muSouth Africa hurumende yenyika iyi isati yazivisa kuti vari kuregererwa here kana kuti kwete.

Hurumende yeZimbabwe yakaisa chikumbiro chekuti varegererwe kuburikidza nemuzinda wavo muSouth Africa.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC vari kuPretoria kumusangano wepagore weSADC summit asi nyaya iri pamuromo inyaya yaAmai Mugabe.

Mutauriri wemapurisa muSouth Africa brigadier Vish naidoo vaudzawo Studio 7 kuti vachiri vakamirira kunzwa kubva kuhurumende kuti vorega here kana kuunza Amai Mugabe kumatare.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavhinga vanoti Amai Mugabe vanofanira kutongwa nemhosva yavo nekuti hapana munhu ari pamusoro pemutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG