Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuita Amai Mahofa Gamba Yokonzera Mutauro muMasvingo


Amai Shuvai Mahofa
Amai Shuvai Mahofa

Mudunhu reMasvingo maita kusawirirana kukuru nedanho rakatorwa nePolitburo yeZanu-PF rekupa ruremekedzo rwegamba kugurukota rinoona nezvedunhu iri Amai Shuvai Mahofa avo vakashaya nemusi weMuvhuro.

Vamwe vagari vekwaGutu ne vemudhorobha reMasvingo vanoti Amai Mahofa avo vakashaya musi weMuvhuro vange vasinga kodzeri kuti vavigwe panzvimbo yemagamba enyika kuHarare nenyaya yekuti vaikurudzira mhirizhonga yezve matongerwe enyika mudunhu iri.

Vanhu vataura ne Studio 7 vanoti kunyangwe hazvo Amai Mahofa vakamirira mira vachibatsira varwi verusungunuko munguva yehondo yechimurenga vari Chimbwido, uye vakazoshandira nyika yave nekuzvitonga kuzere, mhosva dzavari kupomerwa dzekushungurudza vanhu avo vaiva nemaonero akasiyana neavo pane zvematongerwe enyika zvinoita kuti vasakodzere.

Amai Mahofa avo vakaita nguva huru vari nhengo ye Paramende ku Gutu South vanopomerwa mhosva yekutuma vechidiki veZanu PF kurova pamwe nekuuraya vemapato anopikisa maGutu ne nzvimbo dzakatenderedza.

Vakambopomwerwa zve mhosva yekutuma vana vavo nevatsigiri kuponda murwi werusununguko, VaAmos Maseva, izvo zvakazoita kuti mwana wavo Ben Jnr Mahofa, atongerwe makore mana mujeri ne mutongi wedare repamusoro, VaOnus Omajee muna Chikumi gore ra 2006.

VaSilas Gono vanobva kwaMajata kwa Chiwara kumusha kwemushakabvu ndomumwe ane mafungire akadai, “Isu sevanhu veku Gutu South hationi vakakodzera kuitwa Gamba.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Chekutanga hapana development yavakatiria vari MP wedu. Chechipri vaiti munhu anoda kuvakwikwidza kana anofunga zvakasiyana navo vaitumira vanhu vorova. Vakamborova mumwe muwar veteran akafa nenyaya yeimba uye vaitorera vamwe vakadzi varume.”

VaJeferyson Chitando mutauriri webato reNPP vari mugari wemuMasvingo vanoti vanhu vakasangana nemhirizhonga yaikonzerwa naMai Mahofa mudunhu rose reMasvingo havasi kufara kuti varadzikwe kunzvimbo yemagamba, “Mai Mahofa vanozivakanwa semunhu akanga arimujibha , akange ari chimbwido achibikira vana mukoma kuti hondo ienderere mberi. Vakasevenza muhurumende, vakaita MP weGutu south kwenguva yakatirebei, vakazoita Senator, vakazoita Gavena asi pose pavawana zvinzvimbo izvi vaishandisa mhirizhonga.”

Mai Mahofa vaizivikanwa nezita rekuti Chikoforo mudunhu reMasvingo nenyaya yavaipomerwa yekushandisa chisimba pane zvematongerwe enyika.

Asi vamwe vatsigiri ve Zanu PF vakaita saAmai Elizabeth Svinurai vanoti mai Mahofa igamba chairo renyika, “Ndinoona sezvakakodzera nekuti mai Mahofa semudzimai vaikomirimira vachikurudzira madzimai echidiki muZanu PF kuti tiite zvemaooko.”

VaLeornard Sungano mumwe wevechidiki weZanu PF vakatenderana naAmai Svinurai vachiti Mai Mahofa vakashandira nyika zvakasimba hupenyu hwao hwose.

Zimbabwe Heroes Acre
Zimbabwe Heroes Acre

Vemapato anopikisa vanoti nzvimbo ye magamba yangova nzvimbo inovigwa vanhu vasina chiremera vachiti magamba chaiwo anonyimwa ruremekedzo nekuti vanenge vapikisa pfungwa dze Zanu PF.

Asi vachitaura pazororo remagamba richangopfuura, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakati vanopikisa ava havangavigwe pamarinda eheroes Acre nekuti vari kupa kuti nyika itemerwe zvirango nevekunze.

Sachigaro we Zanu PF muMasvingo VaEzra Chadzamira vaudza vatori venhau kuti mutumbi wa Amai Mahofa ucharara mumba mavo nhasi ku Rhodene vozoendeswa kumba yavo yekwa Mpandawana kwaGutu nemusi weChishanu uko kuchapuwa vagari veko mukana wekuonekana navo kekupedzisira panhandare yebhora yepa Makombo, vozoendeswa kuHarare.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG