Gweta riri kumirira musikana anonzi akarohwa naAmai Grace Mugabe, VaGerry Nel vakaudza Studio 7 nemusi weChina kuti vanhu vaimirira Amai Mugabe avo vasina kudomwa nemazita vakayedza kuti musikana uyu, Gabriella Engel areve mari yaanoda kuti nyaya iyi isaende kudare.
Asi VaNel vati akaramba achiti anoda kuti mhosva itongwe nekuti chaari kuda haisi mari asi kuti nyaya itongwe nyakupara mhosva arangwe. Amai Mugabe vari kupomerwa mhosva yekurova zvakaipisisa Muzvare Gabriella uyo ainge ari muhotera muSouth Africa nevanakomana vavo vaviri, Chatunga Bellamine naRobert Junior.
VaNel vatiwo kana hurumende yeSouth Africa ikati amai mugabe varegerererwe semuyarikani kana kuti kupihwa “diplomatic immunity” vachanda kudare repamusoro kuti vasabvumidzwe kubuda munyika iyi.
Muzinda weZimbabwe wakatoendesa chikumbiro kuhurumende yeSouth Africa chekuti Amai Mugabe vabatwe semunyarikani. VaNel vati vachine chivimbo chekuti Amai Mugabe vachamiswa pamberi pematare edzimhosva. Vatiwo vatiwo Amai Mugabe havakwanise kubatwa semunyarikani.
Mutauriri wemapurisa muSouth Africa Brigadier Vish Naidoo vaudza Studio 7 kuti semapurisa vambomira kuferefeta nyaya iyi kusvika vanzwa chikumbo chaAmai Mugabe chekuti vabatwe semunyarikana.
Pavabvunzwa neStudio 7 kuti ko Amai Grace Mugabe vari kuti kudi pakupikisa mhosva iyi, VaNaidoo vaudza Studio 7 kuti Amai Mugabe havana kana humbowo kana mashoko avakapa kumapurisa sezvo vasina kuuya kukamba kwavainge vakamirirwa.
Mamwe magweta anoti Amai Mugabe vanokwanisa kubatwa semunyarikani asi vamwe vachiramba.
Muzvinafundo munyaya dezvemutemo paUniversity of Zimbabwe vachitungamira bato reNCA VaLovemore Madhuku vanoti Amai Mugabe vanokodzera kubatwa semunyarikani asi vozotongwa vave kuZimbabwe.
Facebook Forum