Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosvika kuSouth Africa kuMusangano weSADC


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasvika muSouth Africa kumusangano weSADC Summit wechimakumi makumi matatu nenomwe.

Mamwe makurukota kusanganisa gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSimbarashe Mumbengegwi vatori kumusangano uyu kare kunopinda mumisangano yamakurukota yapera nhasi. Dingindira remusangano uyu rakanangana nekuunza mushandirapamwe pakati pehurumende nevemabhizimisi.

Musangano weSADC uri kutanga Mugovera uchipera nemusi weSvondo. Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma ndivo vanenge votora chigaro chekuva sachigaro weSADC kubva kuna Mambo Mswati vechipiri vekuSwaziland.

Musangano uyu uri kutarisirwa kuva wakaomera VaMugabe nenyaya yemudzimai wavo Amai Grace Mugabe avo vari kupomerwa mhosva yekurova mumwe musikana, Gabriella Engel ainge aine vanakomana vavo Chatunga Bellamin naRobert Junior yakonzera mutauro munyika yeZimbabwe nepasi rose.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paMulungushi University kuZambia VaShakespear Hamauswa vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvine mukana wekukurudzira SADC kuti itaure nezvesarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Hurukuro naVaShakespear Hamauswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG