Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuti Mari yeZvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Chete Haingagadzirise Hupfumi hweZimbabwe


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende yeZimbabwe inofanira kusunga dzisimbe kuti hupfumi hwenyika hubude mumadhaka mairi mushure mekunge zvabuda pachena kuti vekunze vari kusunga homwe vachizengurira kutanga mabhizimisi munyika.

Izvi zvave kupa kuti mari iri kutumirwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika iwande kudarika yevemabhizimisi kana kuti Foreign Direct Investment.

Reserve Bank of Zimbabwe inoti mumwedzi mina yekutanga yegore mari iri kubva kuzvizvarwa zvekunze kwenyika yasvika pamamiriyoni zana nemakumi masere uye ichitarisira kusvika pamamiriyoni mazana manomwe nemakumi mashanu mukupera kwegore.

Asi mari yevari kuda kutanga mabhizimisi yange ichidzika zvakanya kusvika kuma mamiriyoni mazana mashanu. Hurumende kuburikidza neRBZ nemamwe mapazi inoti iri kuda kuti ishande nevekunze ava kuti vakwanise kutanga mabhizimisi.

Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanoti zvekuda kumutsiridza mari nemari yezvizvarwa zvekunze munongedzo wekukundika kwehurumende.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Dr Godfrey Kanyenze vanotenderana naVaBiti. VaKanyenze vanoti mari iyi hakuna kwainosvitsa Zimbabwe sezvo nyika ichida vanovamba mabhizimisi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muFlorida muAmerica VaPromise Sande vanoti hakuna zvimwe zvavangaite kunze kwekutumira mari kuZimbabwe kuti mhuri yavo iwane kurarama.

VaBiti vati mari iri kutumirwa iyi hainyanye kubatsira nekuti haisi kuenda mukutanga mabasa.

VaKanyenze vatiwo Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe kuti ione kuti yavandudza hupfumi.

Dr Kanyenze vanotiwo Zimbabwe inofanira kudzika mitemo inokwezva vemabhizimisi vekunze uye kumira nyaya dzehuori.

Hurumende yeZimbabwe kusanganisa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanogara vachiti chiri zviri kupa kuti vekunze vasauye munyika inyaya yezvirango zvakatemerwa nyika nevekunze nenyaya yekutora minda kubva kuvachena ichipihwa vatema.

Asi vanopikisa vanoti nyaya yehuori nekutonga nedemo ndiyo yapa kuti Zimbabwe iite seyakageza negoka munyama.

Nenyaya yekushaya vemabhizimisi vanouya kuzotanga mabasa, vanhu vanosvika zvikamu zvipfumbamwe kubva muzana vanonzi havana mabasa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG