Accessibility links

Mapurisa Anoti Anoda Kuferefeta Kuti Ndevapi Vakuru Vari Kushanda naVaMutodi Avo Vari Muhusungwa.

  • Blessing Zulu

Nhengo yeZanu-PF vachitsigira zvakasimba chimwe chikwata chinonzi chinotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chinonzi Team Lacoste, VaEnergy Mutodi avo vakasungwa nemusi weChina vachipomerwa mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana munyika kana kuti “treason” vakamiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare nemusi weChishanu.

VaMnangagwa vanoramba kuti vane chikwata chavanotungamira, kunyanngwe vakawanda vachiti mubato iri mune zvikwata zvivii zviri kurwisana chimwe chichinzi Generayion 40 kana kuti G40 chiri kutsigira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaSydney Sekeramai.

Muchuchusi wehurumende akaisa chikumbiro kudare chekuti VaMutodi varambe vari muhusungwa kusvika nemusi weMugovera kuti matikitivha amboramba achiferefeta nyaya yavo.

Gweta raVaMutodi Amai Beatrice Mtetwa vati VaMutodi vanziwo mukunyora kwavari kuita nyaya dzekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vane vamwe vakuru vakuru vavari kushanda navo.

Asi muchuchusi paakabvunzwa naAmai Mtetwa kuti vakuru ava ndivanani akaramba kufukura hapwa.

VaMutodi vakasungwa mushure mekunge vanyora paFacebook peji yavo kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kusarudza achatora chigaro chavo zvine hungwaru nekuti vakatadza kubata nyaya yacho zvinogona kuguma zvakonzera kudeuka kweropa sezvakaitika kuLibya nekuIvory Coast.

Mapurisa anoti mashoko avo anotyora mutemo weCriminal Law Codification Reform Act nekuda kukonzera kusagadzikana mumauto nemapurisa. Asi VaMutodi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti kutyora kodzero dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica VaJoy Mabenge vanoti mapurisa kana achiti pane vakuru vari kushanda naVaMutodi anofanira kuudza nyika kuti ndivanani kwete kungorova bembera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG