Accessibility links

Breaking News

USAID Yopa Rubatsiro Kune veChidiki Vanorarama neHutachiona hweHIV


Vechidiki vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vatambira nemufaro mari yerubatsiro yapiwa kusangano rakazvimiririra reAfricaid Zvandiri nesangano nebazi rehurumende reAmerica reUnited States Agency for International Development.

Africaid yapiwa mamiriyoni makumi maviri emadhora kuti ishandise muzvirongwa zvevechidiki munyaya dzeHIV/AIDS. Mumwe wevechidiki vari kurarama nehutachiona hweHIV/AIDS achishanda neAfricaid, Tanyaradzwa Vinho ati mari yavawana iyi ichavabatsira kupa dzidziso kune vechidiki munyaya dzechirwere ichi.

Izvi zvatsigirwa naVengai Hadji ane makore makumi maviri nematatu anoraramawo nehutachiona uhu. Hadji ati shuviro yake ndeyekuti vechidiki vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vadzidziswewo mabasa ekuzviraramisa muhupenyu sezvo vamwe vavo vari nherera.

Mumwe anoona nezvekufambiswa kwemabasa muAfricaid, Amai Martha Maodzeke vaudza Studio 7 kuti vane chivimbo chekuti mari yavapiwa ichavabatsira kuvandudza hupenyu hwevechidiki munyaya dzeHIV/AIDS. Amai Maodzeke vati kubva mumatunhu matanhau avange vachishanda vanenge vawedzera kusvika pamakumi maviri nemaviri.

Vanomirira sangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID muZimbabwe Amai Stephanie Funk vati vanofadzwa nebasa reAfricaid iro ririkupa tarisiro kune vechidiki munyaya dzeHIV/AIDS.

Mari yekubatsira vechidiki iyi inouya panguva iyo gwaro reongororo rakabudiswa United Nations Programme on HIV and AIDS kana kuti UNAIDS riri kuburitsa pachena kuti kunyange hazvo ndufu dzine chekuita neHIV/AIDS dziri kuderera kubva mugore ra2005, vechidiki vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi maviri nemana vari kusarira munyaya dzekuongororwa ropa nekuwana mishonga yeHIV/AIDS.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG