Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Vanopikisa Vose Ngavabatane Kuitira Kukunda VaMugabe Musarudzo


VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti zvakakosha kuti mapato anopikisa awane nzira dzekushanda nevamwe vasati vapinda mumubatanidzwa uri kuumbwa.

VaBiti vanoti vanhu vakaita saAmai Joyce Mujuru uye vamwe vari kuda kukwikwidza vakazvimirira vanosanganisa Muzvare Fadzayi Mahere naMuzvare Vimbaishe Musvaburi, vanofanirwa kutaurwa nawo kuitira kuti vashande nevamwe mumubatanidzwa wemapato.

VaBiti vanoti izvi zvikasaitika zvinonetsa kukunda bato reZanu-PF musarudzo.

Vanotiwo sezvo zvimwe zvigaro zvichiwanikwa nehuwandu hwemavhoti kana kuti proportional representation, vari kupinda musarudzo vakazvimirira vanogona kupa kuti zvigaro zvevanopikisa zviite zvishoma zvikuru mudare reSenate.

Nemusi weMugovera mapato manomwe kusanganisa MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, PDP, Transform Zimbabwe nemamwe vari kutarisirwa kuudza nyika kuZimbabwe Grounds muHarare kuti vave kuzoita mushandirapamwe wekukwikwidza musarudzo vakabatana.

Vari mumubatanidzwa vanoti vakawirirana kuti VaTsvangirai ndivo vachakwikwidza vakamirira mubatanidzwa uyu musarudzo yemutungamiri wenyika.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG