Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vokonzera Mutauro Nekuti VaMugabe Vadome Achatora Chigaro Chavo


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, uye vari munyori wesangano remadzimai reWomen’s League, Amai Grace Mugabe, vakatyamadza vanhu neChina apo vakurudzira murume wavo, VaRobert Mugabe, kuti vadome munhu achatora chigaro chavo sezvinoitwa kune dzimwe nyika.

Amai Mugabe vataura mashoko aya pamusangano wemadzimai weNational Assembly waitirwa pamuzinda webato iri muHarare.

Amai Mugabe vati hapana chakaipa kuti VaMugabe vadome achavatsiva vachiti izvi zvinobatsira kuti vanhu vemubato vatsigire munhu wacho kwete kuramba vachinetsana.

Bumbiro remitemo reZanu-PF pari zvino rinoti mutungamiri webato anosarudzwa pakongiresi inoitwa kwapera makore mashanu.

Mushure mekunge asarudzwa, iye anozodoma vatevedzeri vake vaviri sezvinodiwa nebumbiro remitemo yeZanu PF.

Kongiresi yeZanu PF yekupedzisira yakaitwa muna 2014 uye inotevera ichaitwa muna 2019.

Mutungamiri webato akafa zvinoreva kuti panoitwa kongiresi yechimbi chimbi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti dzinoshamiswa nemashoko aAmai Mugabe sezvo bato reZanu-PF rakatoita chisungo chekuti VaMugabe, avo vave nemakore makumi mapfumbamwe nematatu ekuberekwa, ndivo vachatungamira bato iri musarudzo dzegore rinouya.

VaMugabe vagara vachiramba kuti ivo mbune vane chekuita nekuti ndiyani achatora chigaro chavo. Nedzimwe nguva vanoti pavanhu vari mubato ravo hapana angakwanise kutora chigaro ichi.

Gurukota rinoona nezvevakarwa hondo, VaTsinga Dube, vakataura mashoko ekuti VaMugabe vanofanira kudoma achavatsiva asi vakazodaidzwa kuhofisi kwaVaMugabe vakaudzwa kuti vainge vave kupinda nemwenje mudziva.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvemitemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti bumbiro remitemo reZanu-PF rajeka panyaya yemunhu anotsiva mutungamiri wenyika.

VaMangwana vati sarudzo dzemutungamiri dzinoitwa kwapera makore mashanu.

"Pakaitika njodzi kana kuti mutungamiri webato akasiya basa, panoitwa kongiresi yechimbi chimbi kwoitwa sarudzo mukati memwedzi mitatu," vadaro VaMangwana.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vanoti Zanu-PF haina hutongo hwejekerere uye zvinoda VaMugabe ndivo vane shoko rekupedzisira panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chavo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG