Accessibility links

Breaking News

Mashoko eRBZ Oratidza Pachena Kuti Hupfumi hweNyika Hwananga kuMawere


Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.
Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakaburitsa mashoko nemusi weChipiri anoratidza kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi zviri kuramba zvichienda kumaziva ndadzoka.

Izvi zviri kuonekwa kuburikidza nemari yakawanda iri kukweretwa nehurumende kubva kumabhanga emunyika, kushomeka kwemari iri kukweretwa nevemabhizimisi, uye kushaikwa kwemari mumabhanga zvopa kuti vamwe vashaye chivimbo nemabhanga acho.

Reserve Bank of Zimbabwe inoti mari yakweretwa nehurumende kusvika pari zvino inosvika pamabhiriyoni manomwe ichikwira nezvikamu makumi mana kubva muzana kusvika muna Chivabvu zvichienzaniswa negore rapera.

Nekushomeka kwemari munyika kunyange hazvo pakaparurwa mabond notes, RBZ inoti vanhu vakawanda vave kushandisa Real Time Gross Settlement Transaction kana kuti RTGS.

Asi vaimbova gurukota rezvemari uye vachitungamira bato rinopikisa rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vayambira kuti zviri kuitwa nehurumende izvi kuzvisikira moto muziso.

VaBiti vati mumabhanga hamuna mari zvopa kuti pashandiswe RTGS asi izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti kukwereta mari kuri kuitwa nehurumende uku hakuna kunaka.

Ko mari iri kukweretwa nehurumende iyi inobva kupi chaizvo kana vemabhanga vachiti havana mari.

Doctor Kanyenze vanoti hurumende iri kungotora mari yevanhu iri mumabhanga.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti nyaya yekuti hurumende iri kukwereta mari yakawanda yave kuomesera vemabhizimisi.

Mashoko aya atsinhirwawo naDoctor Kanyenze avo vati hurumende iri kukwereta mari yekubhdhara vashandi vayo kwete kuita mabasa ebudiriro ari kudiwa munyika.

VaZembe vatiwo kukweretwa kuri kuitwa mari nehurumende kuri kupawo kuti mutengo wekuti vemabhizimisi vakwerete mari udhure.

VaBiti vatiwo kuti zvinhu zvifambe munyaya dzezvehupfumi, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanofanira kuona kuti mabhizimisi awaniswa mari yekuita mabasa.

Kuyange hazvo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuti hurumende haifanire kukwereta mari, VaChinamasa vanoti hurumende hakuna kumwe kwainowana mari sezvo isingakwanise kukwereteswa mari neInternational Monetary Fund, IMF, neWorld Bank.

Hurumende inoti izvi zviri kukonzerwa nenyaya yezvirango zvakatemerwa nyika.

Asi veIMF neWorld Bank vanoti hurumende yeZimbabwe iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG