Accessibility links

ZESA Yoripiswa Mwana Wayakaurayisa neMagetsi Ayo

  • Blessing Zulu

Kambani yeZESA Holdings yanzi nedare ibhadhare mari inosvika zviuru gumi nezvishanu kuripa mumwe mudzimai, Amai Constance Sinachinga, vane mwanakomana akashaya mushure mekunge agwinhwa nemagetsi zvichikonzerwa nekukundikana kwevashandi vekambani iyi kuita basa nemazvo.

Takudzwa Nyandoro uyo ainge aine makore masere akaurayiwa nemagetsi musi wa 29 Kurume 2012.

Amai Sinachinga vakakwira kudare vachiti vaida mari inosvika zviuru mazana mashanu.

Asi mutomgo wedare repamusoro reHigh Court, Justice Jester Helena Charewa, vakazodzikisa mari iyi.

Amai Sinachinga vanoti kubva zvafa mwana wavo vave kurwara nechirwere cheBP, uye vave kutadza kudya.

Vanotiwo vakamanikidzwa kubva kumba kwakafira mwana wavo kuEastlea sezvo vainge voramba vachirangarira nezvekufa kwemwana wavo.

Gweta raAmai Sinachinga, Muzvare Belinda Chinowawa, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti mutongo uyu wakakosha zvikuru panyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG