Accessibility links

Hurumende Yoramba Ichizvicherera Gomba neKuramba Ichikwereta Mari

  • Blessing Zulu

VaPatrick Chinamasa

Hurumende yeZimbabwe iri kuramba ichienderera mberi nekukwereta mari yekushandisa munyika kana kuti domestic debt.

Izvi zviri kuuya panguva iyo bhanga reIMF nereWorld Bank akayambira kuti kuita izvi kuchapa kuti nyika itadze kubuda mumadhaka mairi.

Kunyange hazvo gurukota rinoona nezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa, vari kuti hurumende hakuna zvimwe zvaingaite kunze kwekukwereta mari kuita mabasa ayo, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zviri kuitwa izvi kukokera mhepo wakasenga mamera mutswanda.

Vaimbova gurukota rinoona nezvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti nyaya yehurumende yekuramba ichikwereta mari iri kudzosera zvikuru chirongwa chekugadzirisa hupfumi uho huri kutatarika.

VaBiti vati mari yakweretwa munyika yave kusvika mabhiriyoni matanhatu emadhora.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Free State muSouth Africa, VaCalvin Mdzingiri, vanoti vanowirirana naVaBiti vachiti mari inokweretwa inofanira kushandiswa pazvinhu zvinobatsira nyika zvakaita semigwagwa, zvipatara, magwenya emagetsi nezvimwe.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaTinashe Gumbo, vanoti nyaya yezvikwereti inofanira kunyatsodorongodzwa kuti paonekwe kuti imarii chaiyo yakakweretwa nekuti parizvino hazvina kujeka kuti chikwereti chakamira sei.

Vaimbotungamira ZIMCODD kwemakore gumi uye vari nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanotiwo mari isati yatanga kudzoserwa inofanira kuzivakanwa kuti chii chayakatenga.

International Monetary Fund inoti Zimbabwe ikaramba ichikwereta mari munyika zvichapa kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira zvichapa kuti inflation yemunyika ikwirewo zvakanyanya.

Asi nesarudzo dziri kuitwa gore rinouya VaBiti vanoti havaone nyaya yekukweretwa kwemari ichimira.

Zimbabwe iri kutatarikawo kubhadhara chimwe chikwereti kuWorld Bank neAfrican Development Bank chinosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu emadhora.

Kunyangwe hazvo VaChinamasa vainge vati vawana mari yekubhadhara chikwereti ichi uye vainge vatotenderana neWorld Bank neIMF, mabhanga aya anoti hapana chatenderanwa .

Nyaya yekusabhadhara zvikwereti iri kupa kuti Zimbabwe itadze kukwereteswa mari nevamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG