Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Yakati Zii paNyaya yeHutano hwaVaMugabe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakaenda kunorapwa kuSingapore nemusi weChishanu svondo rapera havasati vadzoka munyika uye hurumende haisi kutaurawo kuti vanotarisirwa kodzoka munyika rini.

Vatsigiri veZanu-PF vagara havo vachiti vanoshamisika kuti vanopikisa vanodei pamuchato wedhongi nebere, vachiti zvekuti vanodzoka riini hazvinei navo.

Aka ndekechitatu VaMugabe vachienda kunorapwa kuSingapore gore rino. Bazi rezvekuburitswa kwemashoko range rambozivisa bepanhau reSunday Mail kuti VaMugabe vaizodzoka pakati pevhiki rino.

Vamwe vakuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika vakaudzawo Studio 7 kuti VaMugabe vainge vaenda kunorapwa asi vange vasiri kunyanya kurwara.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba vange vasiri kudairawo nharembozha yavo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka muhurumende nemubato reZanu-PF nenyaya yehutano hwaVaMugabe uye kukura kwavaita.

Vakuru vemauto uye zvikwata zvinozviti Team Lacoste neG40 zviri kurwira kutora chigaro chavo kana vasiya basa zviri kuenderera mberi nekunetsana zvakasimba.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaIbbo Mandaza vanoti nyaya yehutano hwaVaMugabe ndiyo yave kupa kuti muZanu-PF muite bata murefu bata mupfupi.

Hurukuro naVaIbbo Mandaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG