Accessibility links

Breaking News

National Aids Council Yobatsira Vagari vemuBulawayo Pachena


Vamwe vanhu vanogara kunze kweguta reBulawayo nemusi weChina vakaongororwa ropa, chirwere cheshuga, maziso nezvimwe pachena pasi pechirongwa cheNational Aids Council.

Chirongwa ichi chakaitwa kunzvimbo yeRobert Sinyoka Primary School kunze kweguta reBulawayo pasi pechirongwa cheNational AIDS Council chekukurudzira veruzhinji kuti vaongororwe ropa ravo.

Mukuru weLuveve District Aids Awareness Committee Amai Priscilla Mac-Isaac vakaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chaitwa neNAC ichishanda nemamwe masangano akasiyana-siyana, uye chakanangana nevanhu vanoonekwa vari panjodzi yekutapurirwa hutachiwana hweHIV.

Vamwe vevanhu vakauya kuchirongwa ichi vakakwanisa kuongororwa ropa ravo pamwe nezvimwe vakati vakafara nechirongwa ichi sezvo chakaunzwa kwavari.

Mumwe wevanhu vakabatsirwa ndemumwe wevechidiki anonzi Thomas Nyoni uyo ati anoziva kuti zvakakosha kuti munhu azive kuti ropa rake rine hutachiwana hweHIV here kana kuti kwete.

Asi ati vanhu vakawanda vemunharaunda yenzvimbo yeRobert Sinyoka vanotadza kuita izvi nekuti vanoshaya mari yekuenda kuzvipatara zviri pedyo.

Izvi zvakatsigirwawo nemumwe musikana uyo angoda kudeedzwa nezita rekuti Patience.

Muzvare Margaret Mucheki avo vati vakabatwa nechirwere chemaziso chinonzi glaucoma vati vafarawo kuti vakwanisa kutariswa maziso avo pachena.

Amai Mac-Isaac vati veNAC vave kugara vachiita zvirongwa zvekuenda muvanhu senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vazive pavamire mairirano nehutachiwana hweHIV/ Aids.

Pachirongwa ichi painge paine mamwe masanganowo akasiyana-siyana anosanganisira veZimbabwe National Family Planning Council avo vange vachidzidziswawo nezvekuronga mhuri kuchishandiswa nzira dzekudzivirira kubata pamuviri dzakasiyana-siyana.

Mamwe masangano akadai seJustice for Children Trust neChildline vange varipowo vachidzisa vanhu pamusoro pekodzero dzevana uye nezvekudzivirira kushungurudzwa kwevana.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG