Accessibility links

Breaking News

USAID Yobatsira Vagari vekuManicaland neZvimbuzi neZvibhorani


Vamwe vagari vemumatunhu mana muManicaland vari kufara zvikuru nerubatsiro rwavakawana kubva masangano anoti Development Aid from People To People nere United States Agency for International Development kana kuti USAID.

Rubatasiro urwu rwakanangana nekuvawanisira mvura yekumwa yakachena. Madiridziro, zvimbuzi nezvimwe.

Vagari vakaita rombo rakanaka rekubatsirwa ava vari mumatunhu anoti Mutasa, Nyanga, Chimanimani neChipinge. Chirongwa ichi chinoitwa nechinangwa chekukurudzira hutsanana kana kuti Water Supply, Sanitation, Hygiene, and Natural Resources Management kana kuti C-WASH.

Vazhinji vevagari venharaunda idzi vange vasina zvibhorani ne zvimbudzi zvichitevera kuparadzwa nemafashamu emvura yakanaya makore apfuura yaizivakanwa nekuti Cylone El Nino.

VaPeter Maruma mumwe wevagari venharaunda yeMutasa avo vanoti vakabatsirikana zvikuru nechirongwa ichi.

“Takabatsirikana zvikuru panyaya yezvimbudzi nekuti pane mhuri dzange dzirivulnerable dzange dzisina kana chii saka izvi zvavepo, zvakare paive nezvibhorani zvange zvakafa saka pakatainiwa vanhu vave kugadzira izvi saka zvose zvemuWard medu zvave kushanda zvose zvibhorani izvi.”

Mumwe akawana rubatsiro ndiAmai Memory Karinda vane mwana akaremara vanoti chirongwa ichi chavabatsira zvikuru nechirongwa ichi.

“Vakauya neprogram yematoilets yemalatrines, vakatitrainira mabuilders varume nevakadzi ekuti vavake matoilets kusvika pakupedza.” Vanoendera mberi vachiti, “Pamatoilets I benefitted nekuti ndine mwana akaremara, uye latrine yangu was voted the best sezvo ine pekuti vanofamba nemawheelchairs vakwanise kunge vachiishandisa.”

Muzvare Adeliine Dzemwa anoti vazhinji vagari vakawanawo dzidziso yakakosha ichabatsira vakawanda kwenguva yakareba pamusoro pehutsanana.

“Vazhinji hatingakwanisi kufambira tichinoona mabasa akanaka akaitwa kumatunhu ose akabatsirwa asi tinongofara nedzidziso yakapihwa vanhu pamusoro pekuchengetedza hutsanana nguva dzose uye nekuvakirwa zvibhorani zvakawanda kudai pamwechete nemalatrines avepo aya."

VaRobert Chawatama mukuru anoona nezvemvura uye hutsanana mudunhu reManicaland vakataurawo pakutambidzwa zviri pamutemo kwezvibhorani nemapindu kuvagari vakati nyaya yekugadzirira vanasikana nzvimbo yekuti vazvishambidze panguva yekutevera yange yanonokerwa zvikuru kuzvikoro zvekumaruwa.

“Izvezvi tave nemadual purpose latrine anobatsira ivo vasikana kana vave kutevera kuti vavemo vanozvishambidza zvakanaka obva aongorora kuti zvinhu zvake zvakanaka oba odzoka kumirasi, “ vanodaro VaChawatama.

Vange vakamirira USAID/ Zimbabwe Amai Julie Nenon vakati bazi ravo richaramba rakamira nevanhu vemuZimbabwe mukuedza kuzadzikisa kodzero dzavo dzehutano.

Vakatiwo mushandirapamwe nevagari vemunharaunda idzi kwakapa kuti basa ravo rive nyore.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG