Accessibility links

Dare reConcourt Rombomira Kunzwa Nyaya yeMapurisa naVaChombo yeKuramba Kudzora Mari Inodarika Miriyoni Yaishandiswa seHumbowo

  • Irwin Chifera

VaIgnatius Chombo

Dare repamusorosoro reConstitutional Court nemusi weChitatu rakaramba kunzwa nyaya muzvina bhizimisi vekwaMutare, Va Tendai Blessing Mangwiro, yekuti ritsinhire mutongo weHigh Court wekuti gurukota rezvemukati menyika VaIgnatius Chombo vanofanira kudzoera muzvinabhizimisi uyu $1.5 million yava katorerwa nemapurisa muna 2012.

VaChombo vari kuramba kudzorera mari iyi uye vanotiwo VaMangwiro havakwanisi kutengesa midziyo yehurumende sezvo ichichengetdzwa nemutemo weState Liabities Act.

Mukuru wevatongi, Justice Luke Malaba nevamwe vavo vati hazvirevi kuti nyaya iyi haina maturo asi kuti inofanira kuunzwa pamberi pedare pachitevedzwa mutemo wedare iri.

VaChombo vari kuramba kudzorera VaMangwiro mari uyewo vari kuramba kuti VaMangwiro vatengese midziyo yehurumende kuti itengeswe vawane mari vachiti izvi hazvibvumidzi pasi pemutemo weState Liablities Act.

Izvi ndizvo zvakaita kuti VaMangwiro vakwire kuHighCourt iyo yakati mutemo weState Laibilities Act haufambirani nebumbiro remutemo rikati nyaya iyi inofanira kuenda kuConstitutional Court.

Rimwe remagweta avaMangwiro VaDzimbabwe Chimbgwa vaudza Studio 7 kuti apo ndipo pasina kufambiswa zvakanaka.

VaChimbgwa vati vave kudzokera kudare reHigh Court uye vachatevedza mutemo sezvo nyaya iyi isina kuraswa.

Ivo VaMangwiro pachavo vaudza Studio 7 kuti vachasvitsana kwamvura yacheka makumbo naVaChombo nemapurisa.

VaMangwiro vakatorerwa $1.5mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekuba muna 2008 asi zvichitevera kupera kwenyaya yavo havana chavakadzorerwa nemapurisa.

Izvi ndizvo zvakazoita kuti vaende kumatare edzvimhosva kuti vadzorerwe mari yavo mepurisa.

Kunyange hazvo matare amajisitireti akapa mutongo wekuti mapurisa pamwe negurukota rawo aifanira kudzorera VaMangwiro mari yavo izvi hazvina kuitika.

VaMangwiro vakanziwo havakwanisi kushandisa zvikonzi kutngesa midziyo yehurumende sezvo midziyo iyi ichichengetdzwa pasi pemutemo weState Liabilities Act.

Dare reHigh Court rakapa mutongo wekuti mutemo uyu haufamibirani nebumbiro remutemo uye unotyora kodzero dzaVaMangwiro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG