Accessibility links

Breaking News

Gavhuna weRBZ VaMangudya Vanoti Kushandisa Rand Hakupedze Dambudziko reKushomeka kweMari


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari riri munyika haripedzwe nekushandisa mari yerand yekuSouth Africa seviri kutaurwa nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

VaMangudya vakataura mashoko aya paUniversity of Zimbabwe muHarare musi weChitaru apo pange pari kuitwa musangano kana kuti symposium wenyanzvi dzezvehupfumi.

VaMangudya vati Zimbabwe ichaenderera mberi ichishandisa mari dzakasiyana siyana nekuti kushandisa rand chete handiko kungagadzirisa dambudziko rakomba munyika rekushomeka kwemari.

Doctor Mangudya vati mamwe ematanho anofanirwa kutorwa ekugadzirisa mamiriro ehupfumi haasi kuitwa. Vatiwo kuwondomoka kwemakambani ehurumende kan kuti maparastatals ndokumwe kuri kupa kuti hupfumi hwenyika hubve hwaenda kumawere.

Gavhuna weRZ atiwo nyika inofanirwawo kugadzirisa zvematongerwo enyika kukwezva vane mari dzekunze.

Imwe nyanzvi munyaya dzezveupfumi yataurawo pamusangano uyu VaNyasha Kaseke vati kuti nyika iwane mari yekunze vemakambani neveruzhinji vanofanirwa kunotengesera zvinhu kunze kwenyika. VaKaseke vati vemakambani vanofanirwa kutarisa kuti vogadzira sei zvinhu zvine mutengo wakaderera kuti vakwanise kuwana vatengi kunze kwenyika.

Pamusangano uyu, nyanzvi dzezveupfumi dzakurudzirawo kuti kushandiswa kwemacards ekumabhanga pamwe nEcocash zviitwe kunzvimbo dzese munyika kusanganisira kumaruwa.

VaMangudya vati kunyangwe zvazvo vanhu vanenge vachiti vane mari kumabhanga nyika haina mari iyi uri musvo izvo zviri kukonzera kuti kushaikwa kwemari kurambe kuchienderera mberi.

Vakurudzira veruzhinji kuti vafarire kutenga nemacards ekubank nedzimwe nzira dzakadayi seecocash zvisingadi mari chaiyo vakati izvi zvinogona kurerutsa myaya yekushomeka kwemari.

Vatiwo kupedza dambudziko rehuori pamwe nekugadzirisa dambudziko rekubudiswa kwemari yekunze zvisiri pamutemo zvinogona kubatsira zvakanyanya dambudziko rekushomeka kwemari.

Vamwe vari pamusangano uyu vanosanganisa CZI, ZNCC, veZimbabwe Stock Exchange.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG