Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vodoma Vachamirira Bato Ravo muSarudzo


Mutungamiri webato rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, nhasi vazivisa kuti vave nenhengo dzichakwikwidza dzakamirira bato ravo musarudzo dzegore rinouya panguva iyo pari kuitwa nhaurirano dzemapato anopikisa kuti ayedze kuwumba mubatanidzwa wemapato uchamisidzana neZanu PF pachaitwa sarudzo.

Vachitaura pamusangano wavaita muHarare nhasi nenhengo dzakasarudzwa munharaunda dzakasiyana-siyana dzenyika kuti dzimirire bato ravo musarudzo dzeparamende dzichaitwa gore rinouya, VaBiti vati bato ravo rakazvipira kushanda kuti munyika muve neshanduko yechokwadi.

VaBiti vati vave nenhengo zvikamu makumi mashanu kubva muzana (50 percent) dzichamirira bato ravo musarudzo kunyange hazvo vachiti vachiri munhaurirano nemamwe mapato anopikisa dzekuumba mubatanidzwa .

Mutungamiri weMDCT, VaMorgan Tsvangirai vakaudzawo vatori venhau kuti nhaurirano dzemapato anopikisa dzinofanira kupera mukupera kwemwedzi uno. Vamwe vadomwa vanosanganisa vanotevera.

Tatenda Chigwada -Harare South

Evelyn Masaiti- Mabvuku

Moses Manyengavana-Highfield west

Linda Masarira-Harare Central

Tarisai Musurudzwa -Epworth

Willias Madzimure - Kambuzuma

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mupepeti webepanhau reThe Observer, VaBarnabas Thondlana vakorokotedza VaBiti nekukwanisa kuwana vanhu vanovatevera.

VaThondlana vatiwo kusarudza nhengo dzichamirira bato ravo musarudzo dzeparamende kwaitwa naVaBiti inzira yavo yekuzvisimudzira munhaurirano dzemapato anopikisa dzekuumba mubatanidzwa pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

VaBiti vati sarudzo idzi dzisati dzaitwa, hurumende inofanira kuona kuti mitemo yose inobata sarudzo yavandudzwa uye komisheni inooona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yavandudzwa.

Mashoko aVaBiti ava anouyawo apo bato reMDCT riri kuronga kuratidzira mangwana richiti ZEC inofanira kuvandudzwa kuti sarudzo dzegore rinouya dzigoitwa pasina kugunun'una.

VaBiti vati sebato vachashanda zvakasimba nemamwe mapato kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanise kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Mashoko aVaBiti aya anouyawo apo sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vari kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvisi kuzokwanisa kuvhota sezvo pasina mutemo unovasungira kuti vape mukana kune vari kunze kwenyika kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzemuZimbabwe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG