Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotamisazve Dzimwe Mhuri kuTokwe Mukosi


Hurumende yati irikugadzirira kutamisa mhuri dzinopfuura zviuru zvitanhatu kubva kumahombekombe edhamu reTokwe Mukosi kuitira kuvandudza zvirongwa zvekudiridzira, kuchengeta mhuka dzesango uye kuchengetwa nekukohwa kwehove.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubazi rehurumende rinoona nezve mvura pamwe nezviwanikwa, Engineer Tinaishe Mutasa vakaudza vanhu muMasvingonemusi weChishanu kuti vari kuita tsvakurudzo yehuwandu chaihwo hwevanhu vanofanira kubviswa mumisha yavo vachinogariswa patsva.

“ Vanhu vanoda kufambiswa kubviswa mujinga redhamu vaiva 6000 asi tinofunga kuti vawanda saka vanofanirwa kubviswa.” Vanoenderera mberi vachiti, “ Tichakumbira hurumende kuti tichipedzisa chirongwa ichi sezvo takambobvisa vamwe pakaita mafashamu.”

Asi mashoko aya atambirwa nekutya nevamwe vagari vekwa Chivi ne Masvingo South vanogara pedyo nedhamu iri.

Amai Natsai Muzvidziwa vanogara muraini rekwa Sese kwa Chivi vati vanotyira kuti vanogona kuitwa zvakamboitwa vamwe vakarasirwa mukamba ye Chingwizi mugore ra2014 vakaguma vononga svosve nemuromo.

“ Ini zvehurumende zvairi kuti inotibvisa ichinotiisa kumwe ndoona zviri zvinhu zvakaoma tichiri kutanga mhuri idiki.” Vanotizve, “Tichaitwa zvegore riya zvekuiswa mukamba. Hatizivi kuti tichandogariswa kwakanaka here.”

VaTrinos Mukumbwa veku Ngomahuru vanotiwo vanotyira kuti hurumende inozotadza kuvabhadhara mari yavakashandisa kuvaka musha wavachasiya vaputsa kuti vandovaka mutsva kwava chaendeswa.

“Maonere atinoita ndeekuti mari dzedu dzekutamiswa dzinogona kunetsa kudziwana.” Vanoenderera mberi vachiti, “Tikatarisa vakaenda kuChingwizi hama dzedu dzichirikunetseka kuwana takatohwa kuti gore rino vakambopuwa chigwishu, saka toona sekuti hurumende yakaomerwa haina mari.”

Asi VaMutasa vati hurumende ichagadzirira zvinodiwa zvose kuti vanhu vatamiswe zvakanaka.

Mashoko aya atsinirwawo negurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo Amai Shuvai Mahofa avo vaudza Studio 7 kuti hurumende ichaona kuti vanhu ava vagariswa zvakanaka uye nzvimbo yekuti vagare yavepo kuNuanetsi kuMwenezi.

Vatiwo hurumende iri kugadzira mari yekuripa vanhu vanenge vatama ava.

VaMutasa vaenderera mberi vachiti Tokwe Mukosi ichadiridzira mahekita zviuru makumi maviri ne mashanu nekudaro vagari ava vacha batsirikana nekuwana mari mukurima uye ne mabasa.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG