Accessibility links

Sangano rinomirira makanzuru emumadhorobha reUrban Councils Association of Zimbabwe rinoti makanzuru ari pasi paro atanga hurongwa hwekushandisa humhizha hwemacomputer mukupa vagari pekuvaka dzimba.

Izvi zvinotevera dambudziko ranga rakatarisana nemadhorobha mazhinji rekupiwa kwevanhu vakawanda nzvimbo imwe yekuvaka.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nemusi weChishanu, VaShangwa Mavesere nhengo yeUCAZ uye vari mukuru wekanzuru yeBindura vati kushandiswa kwemacomputer uku kunoderedza huori kunyangwe hwevashandi vekanzuru.

VaNkosana Dhlamini mumwe mugari wemuHarare varumbidza zvikuru danho ratorwa nemakanzuru emumadhorobha vakati sevagari vane tarisiro yekuti zvichaderedza kubirwa kwevagari vachitengeserwa nzvimbo dzisipo.

Sangano reUCAZ rinotiwo kubva musi wa7 kusvika 9 Nyamavhuvhu, richange riine musangano weLocal Government Investment Conference (LOGIC) muguta reHarare.

Vanotungamirira UCAZ, VaTsungai Makore vati chinangwa chavo ndechekuti madhorobha akwezve vanouya kuzoita mabhizimusi nemakanzuru pamwe nekuti makanzuru akurukure pamwechete gwara ravangafamba naro kuderedza matambudziko avakatarisana nawo.

Musangano weLOGIC uyu wakaparurwa muna2016. UCAZ inoti tarisiro yavo ndeyekutiwo vemabhizimisi nevagari vawane mukana wekukurukura budiriro yemaguta.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG