Accessibility links

Breaking News

Amai Mupfumira Voramba Kuti Hurumende Yakatambisa Mari Kuenda kuGeneva.


Amai Prisca Mupfumira
Amai Prisca Mupfumira

Gurukota rinoona nezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira, avo vadzoka kubva kumusangano wevashandi wepagore weInternational Labour Conference kuGeneva, Switerland, varamba mashoko ekuti vakaparadza mari yenyika yakawanda nekutumira chikwata chakakurisa kudarika nyika dzakawanda dzakabudirira.

Kunyange hazvo Amai Mupfumira vadzoka munyika, musangano uyu, uyo wakatanga musi wa 5 Chivabvu uri kupera svondo rino nemusi weChishanu.

Musangano uyu uri kupindwa nehurumende, vashandi nevashandirwi uye uri kuitwa pasi pedingindira pakanangana nekugadzira hwaro hwakanaka hwekuti vashandi vashande vaine ruremekedzo.

Zimbabwe ine vanhu makumi matatu kumusangano uyu zvichienzaniswa neSouth Africa iyo ine vanomwe ukuwo New Zealand iine vanhu vapfumbamwe chete.

Bazi rezvehupfumi rinoti nyika inorasikirwa nemari inodarika mamiriyoni makumi mashanu yekufamba kwemakurukota nevamwe muhurumende uye kazhinji mari iyi inenge isiri mubhajeti.

Zimbabwe inonzi yakambenge yaiswawo pazvikwata zvenyika dzinobata vashandi chibharo asi Amai Mupfumira vanoti yakazobviswa nekuti painge pasina humbowo hwakakwana.

Asi Zimbabwe iri pakati penyika makumi mana dzakaramba kusaina chibvumirano che Convention 105 on Forced Labor, icho chinomisa nyaya yekubata vanhu pabasa.

Hurukuro naAmai Prisca Mupfumira
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG