Accessibility links

Breaking News

Mabhishopu eRoman Catholic Okurudzira Sarudzo Dzakachena Munyika


Sangano reZimbabwe Catholic Bishop’s Conference raburitsa tsamba yakanangana nesarudzo dzegore rinouya kana kuti “Pastoral Letter of the Zimbabwe Catholic Bishops On Preparing for the Zimbabwe 2018 National Elections.”

Mutsamba iyi, mabishopu ekereke iyi ayambira kuti sarudzo dzine mhirizhonga dzinopa kuti Zimbabwe ishorwe nedzimwe nyika uye kupa kuti vanhu vashaye chivimbo nesarudzo.

Nekudaro mabhishopu aya ari kukurudzira kuti sarudzo dziitwe murunyararo uye kuti hurumende ivandudze mitemo yose yesarudzo.

Mitemo yesarudzo iyi inosanganisira kunyoresa vanhu kuvhota nekuvadzidzisa nezvesarudzo, uye kuti madzishe nemasabhuku asapindire musarudzo, pamwe nenyaya yekuti mapato ose awaniswe mukana panhepfenyuro nemumapepanhau ehurumende.

Sangano iri rakurudziravo vanhu kuti varume rurimi kana vofunga kutaura mashoko ekunyomba kana kutuka vemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Panyaya yemhirizhonga, vakuru vemakereke ava vati ngoromera harivake musha.

Mabishopu ati vanhu vangwarirewo pakuvhota nekuti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vamwe vanhu vachingovimbisa zvinhu zvavasingakwanise kuita.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paMulungushi University kuZambia, VaShakespear Hamauswa, vanoti vemakereke vaita zvakanaka kuyambira nyika nezvekutyora kodzero dzevanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG