Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vanoti ZimDollar Hairisi Kuzodzoka Kudzamara Zvinhu Zvagadzikana


Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti dhora remunyika harisi kuzodzoka nechimbi chimbi nepamusana pekuti hupfumi hwenyika hausati hwagadzikana.

Mashoko aya ari kuuyawo apo sangano reWorld Bank raburitsa mashoko ekuti riri kutarisira kuti hupfumi hweZimbabwe huchakwira nezvikamu zviviri nezviga zvitatu kubva muzana, kwete zvikamu zvitatu nezviga zvisere kubva muzana.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakange vati hupfumi hwaizokwira nezvikamu zvitatu nezviga zvinomwe kubva muzana gore rino.

Kunyange hazvo hupfumi huri kutatarika, makurukota ehurumende, kusanganisira gurukota rezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa, vanoti hurumende iri kuda kudzora dhora remuZimbabwe ichishandisa goridhe semusimboti.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakaparura mari yema bond notes, zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo vanhu vari kupedza mazuva akawanda vakarara panze pemabhanga vachitadza kutora mari dzavo.

Hurukuro naDoctor John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG