Accessibility links

Breaking News

Zvipangamazano Zvobatsira Kuumba Mubatanidzwa weMapato Anopikisa


Movement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
Movement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, nemusi weMuvhuro vakaburitsa mashoko kuvatori vachiti nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa dziri kufambira mberi zvakanaka uye pari zvino dziri kutungamirwa nezvipangamazano nenyanzvi dzemunyika nekunze.

Mubatanidzwa uyu uri kuda kuumbwa sarudzo dza2018 dzisati dzaitwa.

VaTsvangirai varamba mashoko ekuti bato ravo rinoda kuzviita iro bhuru remusha vachiti mumwedzi yapfuura vagara pasi nemamwe mapato anopikisa vachiyedza kuumba mubatanidzwa.

Vati vari kutaura nemamwe mapato kwete wavakanyorerana navo zvibvumirano chete veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube uye National People’s Party iri kufanotungamirwa naAmai Joice Mujuru.

Vatiwo mubatanidzwa wavari kuyedza kuumba hausi hwezvigaro asi kuti vanopikisa vanofanira kubuda negwara rakajeka rekuti vogadzirisa sei matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi nezvimwe.

VaTsvangirai vati pari zvino vari kushanda nezvipangamazano zvekunze nezvemunyika mukuumba mubatanidzwa uyu.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru mubato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, avo vati zvipangamazano zviri kubatsira kuumba hwaro hwemubatanidzwa zvava padanho repamusoro soro.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weNPP, VaSamuel Sipepa Nkomo, vatendawo kuti kubva zvavakanyoreranwa chibvumirano pakati paVaTsvagirai naAmai Mujuru nyanzvi dziri kutaurirana vakuru vasati vauya kuzopedzisa basa.

Asi nyaya yekuti ndiyani achatungamira iri kutarisirwa kuti ichanetsa.

Vachitaura kuChitungwiza Amai Joice Mujuru avo vanonzi vari kushanya kuAmerica vakati paida kuti paitwe sarudzo dzekuti ndiyani mutungamiri achakwikwidzana nemutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe.

Mutauriri weRenewal Democrats of Zimbabwe, VaPishai Muchauraya, vanoti mapato anofanira kutenda kana kutora mutungamiri asina bato pari zvino.

Asi VaMwonzora vanoti vanhu vanofanira kutungamirwa nevanhu vanokwanisa kukunda musarudzo kwete kungotora chero anozviti anopikisa.

Asi vanopikisa ava vari kuimba nezwi rimwe here kana kuti vari kuita mazvake mazvake?

Vanotungamira bato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti havasi kutenderana nezviri kuitwa nevari kuda mubatanidzwa ava.

Vanotungamira bato rePeople’s Progressive Party, Pastor Timothy Chiguvare, vanoti havawirirane nemapato anopikisa ari kuda kuumba mubatanidzwa nekupindazve musarudzo idzo vanoti dzichave nekudeuka kweropa uye kubirirwa.

Sarudzo dzemuZimbabwe dzagara dziine mutauro wakanyanya izvo zvakapawo kuti igume yatemerwa zvirango nenyika dzekunze mushure mekunge ropa radeurwa musarudzo dzemuna 2002.

Mubatanidzwa yakaita seAU neSADC inombogunun’unawo nemabatirwo esarudzo neZimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG