Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoongorora Mhirizhonga Yakaitika muBulawayo?


VaSaviour Kasukuwere.
VaSaviour Kasukuwere.

Bato reZanu PF rinoti richaongorora mhirizhonga yakaitika kuBulawayo nemusi weSvondo iyo yakasiya vanhu vakawanda vakuvara.

Izvi zvataurwa nemutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, avo vati bato ravo richaongorora nyaya yemhirizhonga yakaitika pamuzinda webato iri weDavies Hall kuBulawayo pakati pevanonzi vari kutsigira chikwata cheG-40 nevari kutsigira chimwe chikwata chinonzi Team Lacoste.

Chikwata cheG40 chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, uye murongi wemabasa ezvematongerwo enyika muZanu-PF, VaSaviour Kasukuwere.

Chikwata cheTeam Lacoste chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa. Zvikwata izvi zviri kutatsurana kuda kuona achatsiva mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, kana vasiya basa.

VaMphoko vaitarisirwa kupinda mumusangano wedunhu reBulawayo uyu kana kuti provincial co-ordinating committee asi havana kuzouya nenyaya yemhirizhonga inotyisa yakapa kuti vamwe vabayiwe nemapanga vamwe vachidirwa mushonga mumaziso kana kuti pepper spray.

Vanotsigira G40 ndivo vakange vachiita musangano uyo wakanzi wainge usiri pamutemo nevanotsigira Team Lacoste vaiti VaKasukuwere vainge vangoita vanhu vekupfekera pfekera pasina sarudzo.

Sachigaro weYouth League mudunhu reBulawayo, Muzvare Anna Mokgokhloa, uye sachigaro weBulawayo Central, VaMagura Charumbira, vakakuvara mukurwisana uku pamwe nevamwe vanhu gumi.

VaCharumbira, avo vakabayiwa nebanga mumusoro nekumeso, vanoti Muzvare Mokgokhola ndivo vakauya nebanga racho.

Hurukuro naVaMagura Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Muzvare Mokgokhola vaudza Studio 7 kuti havafambe nebanga uye vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Asi munyori mukuru muZanu-PF Youth League mudunhu reBulawayo, VaHardlife Ndlovu, vati zviri kutaurwa naVaCharumbira handi zvechokwadi uye vashowaro mapurisa nekutadza kuvachengetedza.

Hurukuro naVaHardlife Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira Media Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti nyaya yekurwisana muZanu-PF chigariro asi ichizoita chirwirangwe semakudo.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG