Accessibility links

Breaking News

Kuumba Mubatanidzwa weMapato Anopikisa Kwonetsa


Tsvangirai and Welshman Ncube soon after signing Memorandum of Understanding. (Picture: MDC-T)
Tsvangirai and Welshman Ncube soon after signing Memorandum of Understanding. (Picture: MDC-T)

Kunyange hazvo paine ongororo yeAfrobarometer inoratidza kuti vanhu vakawanda munyika vanoda kuti mapato anopikisa aite mushandirapamwe sarudzo dzemuna 2018 dzisati dzaitwa, izvi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.

Mamwe mapato gumi nemana anopikisa akanyorerana chibvumirano chekuumba mubatanidzwa sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

Chibvumiramo ichi chakanyoreranwa kuSouth Africa svondo rapera uye gungano iri pari zvino rinonzi Mass Opposition Movement kana kuti MOM.

Mapato aya anosanganisira rePeople's Democratic Party, PDP, Renewal Democrats of Zimbabwe, RDZ, Zapu nemamwe.

Asi mumubatanidzwa uyu hamuna mamwe mapato makuru anopikisa akaita seMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, National People's Party, NPP, iyo iri kufanotungamirwa naAmai Joice Mujuru uye Transform Zimbabwe inotungamirwa naVaJacob Ngarivhume. VaTsvangirai nevamwe vavo vakanyorerana zvibvumirano zvekudawo kuumba mumwe mubatanidzwa kana kuti maMemorandum of Understanding.

Nyaya yekutadza kushandirapamwe iyi iri kushorwa nevakawanda munyika kusanganisira nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPromise Sande, avo vanoti nyaya yekuda zvigaro yauraya nyika.

Vanhu vari kuodzwawo moyo nenyaya yekuti kune vari kuyedza kubatana ava pane kukandirana makobvu nematete zvinopa kuti mibatanidzwa yacho ibve yaita zinyeke nyeke.

Semuenzaniso, veMDC-T neveNPP vatotanga kunetsana nenyaya yehutungamiri. VaTsvangirai vanoti vakazvipira kuti mubatanidzwa uyu ubudirire.

Mashoko aya anotsinhirwawo nemutevedzeri waAmai Joyce Mujuru, VaSamuel Sipepa Nkomo, avo vanoti pakaitwa mubatanidzwa, Amai Mujuru ndivo vanofanira kutungamira asi vachiti nhaurirano dziri kuenderera mberi.

Mutauriri webato reRDZ, VaPishai Muchauraya, vanotenda kuti kana kumubatanidzwa wavo zvinogona kunetsa kuti ndiyani anotungamira asi vakazvipira kutsvaga kana munhu wekunze asina bato raanomiririra.

Vanotungamira bato rePDP, VaTendai Biti, vanotiwo chimwe chiri kunetsa pakuyedza kuumba mubatanidzwa wevanopikisa inyaya yekuti hapachina nguva yakakwana yekuita nhaurirano sezvo ndima iripo yakakurisa.

Mashoko aVaBiti ari kutsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira Media Center, VaEarnest Mudzengi.

Asi sachigaro webato reZanu-PF kuBritain, VaNick Mangawana, vanoti mapato anopikisa ari kutambisa nguva uye haakwanise kukunda bato reZanu-PF musarudzo.

VaMudzengi vanotiwo pane zvimwe zvakakosha zvinoda kuitwa nevanopikisa sarudzo dzisati dzaitwa nekudaro nguva yekuswera vachiita zvedambe hapana.

Sangano ravanachipangamazano reInstitute for Security Studies, ISS, rinoti kuti mapato anopikisa akunde musarudzo anofanira kuti aumbe mubatanidzwa. Izvi ndizvo zvakaitika muNigeria, Kenya neGambia.

Chipangamazano muISS, VaSimon Allison, vanoti muZimbabwe nyaya yekusave nekuvimbikana kwevanopikisa ndiyo yapa kuti kuumba mubatanidzwa kunetse.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG