Accessibility links

Breaking News

Paramende Yodaidza VaChinamasa Kuti Vajekese Kwakabva Mari yeKubhadhara Chikwereti kuWorld Bank


Patrick Chinamasa
Patrick Chinamasa

Vanoona nezvehupfumi mubato reMDC, VaTapiwa Mashakada, uye vari nhengo yekomiti yedare reparamende inoona nezvehupfumi, vanoti komiti yavo ine hurongwa hwekudaidza kudare iri gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti vataure nezvekubhadhara chikwereti chenyika.

VaMashakada vanoti vanoda kuti VaChinamasa vazotsanangure nyaya yemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora yavanoti vakawana kubhadhara mari yakawedzerwa pazvikwereti zveZimbabwe kuWorld Bank neAfrican Development Bank.

VaChinamasa havana kutaura kuti mari iyi yainge yabva kupi.

Asi bepanhau reZimbabwe Independent rakabva raburitsa nyaya yekuti mari iyi yainge yabva kukambani yekuSingapore inonzi Trafigura.

Asi mutauriri wekambani iyi, Amai Zohra McDoolley-Aimone, varamba mashoko ekuti kambani yavo yakapa Zimbabwe mari inodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora yekuti ibhadhare chikwereti kuWorld Bank neAfrican Development Bank.

Vachipindura mubvunzo kubva kuStudio7, Amai McDoolley-Aimone vati vainge vanzwa mashoko kubva kumapepanhau ekuti Trafigura yainge yapa Zimbabwe mari asi vakati aya manyepo.

Vatiwo vane mabhizimisi muZimbabwe uye makambani avo akazvipira kuramba achifambisa basa achishanda nehurumende asi panyaya yekukweretesa Zimbabwe, asi kambani yavo iri kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya..

Kambani yeTrafigura Group yakapinda muZimbabwe muna 2013 kuburikidza nekuisa hupfumi mukambani yePuma Energy iyo yakaisa zvikamu makumi matanhatu kubva muzana mukambani yeRedan Petroleum.

Redan ine nzvimbo dzinotengeserwa mafuta edzimotokari makumi manomwe nepfumbamwe, uye inopa mafuta endege panhandare ina.

VaMashakada vanoti zvinonetsa kuti pawane mabhanga kana makambani angakweretese Zimbabwe mari kana asinawo kusviba.

Hurukuro naVaTapiwa Mashakada
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG