Accessibility links

Breaking News

Trafigura Yoramba Kuti Yakapa Zimbabwe Mari yeKubhadhara Chikwereti kuWorld Bank neAfrica Development Bank


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mukambani yekuSingapore yeTrafigura, Zohra McDoolley-Aimone, aramba mashoko ekuti kambani yavo yakapa Zimbabwe mari inodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora yekuti ibhadhare chikwereti kuWorld Bank neAfrican Development Bank.

Achipindura mubvunzo kubva kuStudio7, McDoolley-Aimone ati vainge vanzwa mashoko kubva kumapepanhau ekuti Trafigura yainge yapa Zimbabwe mari asi akati aya manyepo. Atiwo vane mabhizimisi muZimbabwe ayo akazvipira kuramba achifambisa basa achishanda nehurumende asi panyaya yekukweretesa Zimbabwe, kambani yavo iri kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya..

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakazivisa mazuva mashoma apfuura kuti vainge vawana chikwereti chekuti vabhadhare mari yakawedzerwa pazvikwereti zvayo. Asi havana kutaura kuti mari iyi yainge yabva kupi.

Kambani yeTrafigura Group inoshanda yakapinda muZimbabwe muna 2013 kuburikidza nekuisa hupfumi mukambani Puma Energy iyo yakaisa zvikamu makumi matanhatu kubva muzana mukambani ye Redan Petroleum.

Redan ine nzvimbo dzinotengeserwa mafuta edzimotokari makumi manomwe nepfumbamwe, uye inopa mafuta endege panhandare ina.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kambani yePuma Energy ndiyo inoshandiswa kubhadhara mari kuZimbabwe.

Kambani yeTrafigura muna 2010 yakabatwa nemhosva yekurasa muchetura kubva kumakambani ekumawirira kunyika yeIvory Coast.

Izvi zvakashorwa zvikuru nemasangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International.

Kambani iyi inonziwo yakaita zvehuwori kuIraq pachirongwa chainzi Oil for Food icho chaipa vanhu vemuIraq zvekudya mafuta edzimotokari munyika iyi achitengeswa zvisina kujeka.

Gore rapera Zimbabwe yakamboyedza kubhadhara chikwereti ichi ichishanda nekambani yemuNew York inonzi Lazard. Lazard yaishanda nebhanga reStandard Chartered Bank rekuBritain kuunganidza mari iyi asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Asi rwendo rwuno VaChinamasa vanoti vakawana mari kukambani yeTrafigura iri kunzi nevamwe vakaita semutungamiri webato rePeople's Democratic Party, uye vaimbova gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, haina kujeka.

VaBiti vanotiwo zvakaitwa naVaChinamasa kutyora mutemo wePublic Debt Management Act unoti kana hurumende ichida kukwereta mari yakawanda zvakadai inofanira kutanga yaenda kudare reparamende.

VaBiti vashorawo bhanga reWorld Bank nekutendera VaChinamasa kuti vatyore bumbiro remitemo.

Mashoko aya atsinhirwa nevanokokera bato reMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese.

Asi gweta rinombomirira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, munyaya dzakawanda VaTerrence Hussein vanoti VaChinamasa havana mutemo wavakatyora.

Ko zvinobatsira here kana Zimbabwe ikabhashara zvikwereti zvayo?

VaBiti vanoti kuteya nzou neriva nekuti kana pasina kuvandudza mabatirwo ehupfumi, hakuna chinobuda.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti zvinobatsira kunyange hazvo zvichinetsa kuzowana zvikwereti kubva kuIMF neWorld Bank.

VaMugano vanoti vemakambani emuZimbabwe ndivo vachawana chouviri kubva mukubhadhara chikwereti ichi.

Nyaya yehuowori nekutadza kufambisa zvakanaka hupfumi zviri kupa kuti Zimbabwe itadze kubhadhara zvikwereti zvayo zvapa kuti hupfumi huende kuamwere.

Asi hurumende inoti zvirango zvakatemerwa nyika ndizvo zvapa kuti itatarike.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG