Accessibility links

Team Lacoste Yoonesa Generation 40 Ndondo muZanu PF

  • Blessing Zulu

VaSaviour Kasukuwere

Zvinhu zvaita manyana amire nerongo mubato reZanu-PF mushure mekumukazve kwekunetsana pakati pezvikwata zviviri zvinonzi zviri kurwira kuzotora chigaro chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vachinge vasiya basa.

Zvikwata zviri kurwira masimba muZanu PF, Generation 40, kana kuti G40, neTeam Lacoste, zviri kutsvukisana zvisati zvambiotika mubato iri.

Team Lacoste inonzi ine vanhu vari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ukuwo G40 inonzi ine vanhu vakaita segurukota rematunhu, VaSavior Kasukuwere, gurukota redzidzo yepamusoro soro, VaJonathan Moyo pamwe nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Pari zvino vanhu vari kuoneswa ndondo nekutarisana nekudzingwa mubato vari kuchikwata cheG40 vanosanganisira Amai Sarah Mahoka, Amai Eunice Sandi Moyo.

Nemusi weMugovera vamwe vanonzi vari kuronga kuratidzira kuBindura kusafarira kwavo mumwe wevakuru vechikwata cheG40, VaKasukuwere, avo vanoona nezvekurongwa kwemabasa ezvematongerwo enyika muZanu PF.

VaKasukuwere vari kutiwo bepanhau reHerald rapindirawo munyaya iyi richitsigira vekuchikwata cheTeam Lacoste.

Asi sangano reWomens League rinoti ivo VaKasukuwere ndivo vari kupindira munyaya dzemadzimai.

Amai Mahoka naAmai Sandi-Moyo vari kupomerwa mhosva dzehuwori nekuzvidza VaMnangagwa naAmai Mugabe.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zvinhu hazvina kunyatsojeka kuG40, sezvo pasina chaiye anonzi ari kutungamira chikwata ichi.

Izvi zvinonzi zvasiya Team Lacoste iine mukana wakasimba sezvo iri kuramba yakamira naVaMnangagwa.

Sachigaro webato reZanu-PF kuBiritain, VaNick Mangwana, vati zviri kuitika mubato munongedzo wekuti mune hutongo hwejekerere.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti Zanu-PF ikasagadzirisa kunetsana uku ichakundwa musarudzo dza2018.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG