Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Vonetsana paMichina yeKunyoresa Vavhoti


Munyika maita kusawirirana panyaya yekuvandudza gwaro revavhoti pachishandiswa michina yema computers kana kuti Biometric Voter Registration (BVR) kits.

Sangano rinoona nezvesarudzo re Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, rinoti riri kupihwa mari nehurumende yekutenga michina yeBVR.

Michina yeBRV inonzi inosvika mamiriyoni makumi mashanu emadhora. United Nations Development Programme kana kuti UNDP yaimbenge yati inotenga michina iyi asi hurumende yakazoti yave kubatsira ZEC kuitenga.

Asi ikozvino vamwe muhurumende nemubato reZanu-PF vanenge voimba rumwe rwiyo vachiti kutambisa mari.

Izvi zviri kutsigirwawo nemamwe mapato anopikisa akaita seRenewal Democrats of Zimbabwe.

Asi mamwe mapato anopikisa akaita seMDC-T anoti anotsigira kushandiswa kweBVR. Vari kutsigira BVR vanoti inobatsira kugadzirisa gwaro revavhoti.

Asi vamwe vanoti michina yema computer inoda kushandiswa inogona kukanganisika uye zvinoda nguva yakareba kudzidzisa vanhu nezvekuishandisa.

Asi mutauriri weRDZ, VaPishai Muchauraya, vanoti michina iyi inogona kushandiswa kutyisidzira vanhu.

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo naVaPishai Muchauraya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG