Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshamisika neVashandi Vanoti Vari Kuda Kuramwa Mabasa


Patrick Chinamasa
Patrick Chinamasa

Mamwe masangano evashandi vehurumende anoti ave kuda kukanda mapadza pasi nenyaya yekusapihwa mari dzemabhonasi uye kusawedzerwa mari dzemihoro kwemakore akawanda.

Asi gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Amai Prisca Mupfumira, vanoti vari kushamisika kuti vashandi vari kuda kukanda mapadza pasi nekuti nhaurirano dziri kuenderera mberi.

Mabhanga akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank anotiwo Zimbabwe inofanira kuderedza huwandu hwevashandi vayo kana ichida kuvandudza hupfumi.

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association nerevarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe anoti ari kuzokanda mapadza pasi mumazuva mashoma anotevera.

Mukuru weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Edgar Munatsi, vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya yekuratidzira kutanga nemusi weChitatu.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Dr Takavafira Zhou, vanoti vari kumiririra musangano uyu asi pakashaya chinobuda hurumende inofanira kugadzirira kuratidzira kwevashandi vachiti hurumende haifanira kutarisira vashandi pasi sezvo dhimba kushaya besu hazvirevi kuti inyana.

Asi vanotungamira bato rePeople’s Democratic Party uye vaimbova gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, vanoti ikodzero yemushandi kuratidzira.

Ko chii chiri kupa kuti hurumende ikundikane kubhadhara vashandi?

VaBiti vanoti pane vamwe vashandi vasinganyatsozivikanwe vanoshanda kunge zvipoko kana kuti “ghost workers” vari kungohora mari pasina anoziva basa ravari kuita.

Mashoko aya atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Dr Godfrey Kanyenze, mukuru musangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Asi Amai Mupfumira vati ongororo yavo yakaratidza kuti havana vashandi vakadai.

Hurumende inoti nyaya iri kupa kuti itadze kubhadhara vashandi nenguva inyaya yekuti yakatemerwa zvirango nehurumende dzekunze.

Asi vanopikisa vanoti havo mashura evanhu vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa. Izvi zvinotsinhirwa naVaZhou.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti mari zhinji yehurumende inoenda kuvashandi posara pasina kana mari yekugadzira zvinhu zvakaita sezvivakwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG