Accessibility links

Breaking News

Kupatsanuka kweBato raAmai Mujuru Kokonzera Zinyekenyeke


Nemusi weChitatu bato rinopikisa reZimbabwe People First rakapatsanuka mushure mekunge vakafanobata chigaro chemutungamiri webato iri, Amai Joyce Mujuru, vati vainge vadzinga dzimwe nhengo dzebato iri nomwe.

Asi nhengo idzi dzakati Amai Mujuru havana simba rekuita izvi sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato ravo.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti pane nyaya dzakawanda dzakakonzera kuti muchato uyu usvike kwamvura yacheka makumbo.

Asi imwe nyaya ndeyekuti poumbwa sei mubatanidzwa pakati pebato iri nemamwe anopikisa sarudzo dza2018 dzisati dzaitwa kuti vawane mukana wekukunda Zanu-PF.

Vanotsigira Amai Mujuru vanoti vakadzingwa ava vaisada mubatanidzwa neMDC-T.

Asi mutauriri wechikwata chakadzingwa ichi, VaRugare Gumbo, vanoti chavaisada kuti Amai Mujuru vaite zano-ndega pakuita hurukuro nemamwe mapato.

Ko mapato anopikisa angaumbe here mubatanidzwa wakasimba nekunetsana uku?

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vanoti vanopikisa vanoshaya simba nenyaya yekurwisana.

Asi vati vanhu munyika vari kunonga svosve nemuromo nenyaya yematongero eZanu-PF.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumanzu, vanoti Zanu-PF chete ndiyo inomirira zvido zvevanhu.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG