Accessibility links

Breaking News

Musangano weAfrican Union Unotanga kuEthiopia


Vatungamiri venyika dze,uAfrica kumusangano weAU
Vatungamiri venyika dze,uAfrica kumusangano weAU

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kumusangano weAfrican Union uri kuitirwa kuAddis Ababa, Ethiopia.

Mubatanidzwa uyu wasarudza gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muChad, VaMoussa Faki Mahamat, kuti vatungamire mubatanidzwa uyu sasachigaro kana kuti AU Commission chair.

Chigaro ichi chasiyiwa naAmai Nkosazana Dlamini Zuma vekuSouth Africa.

Vatungamiri ava vari kuzeyawo nyaya yeMorroco yekuda kudzoka mugungano iri asi nyika dzakaita seSouth Africa, Kenya neNigeria dzichiramba dzichiti Morocco inofanira kusunungura nyika yeWestern Sahara.

Morroco yakabuda mugungano iri makore makumi matatu nematatu apfuura ichitsutsumwa nedanho reAU rekutsigira Western Sahara.

Amai Zuma vasati vasiya basa vashora zvikuru hurumende yeAmerica nekurambidza zvizvarwa zvekune dzimwe nyika dzechiArab kupinda muAmerica kwemwedzi mitatu.

Nyika idzi dzinosanganisira Libya, Somalia neSudan kubva kuAfrica. Asi hurumende yeAmerica inoti iri kuita izvi kudzivirira kupinda munyika kwevanoita zvekupfurikidza mwero.

Munyori mukuru mutsva weUnited Nations, VaAntonio Guterres, vashorawo nyaya yekurambidza vapoteri vedzimwe nyika kupinda muAmerica asi vasingataure mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nezita. Vapoteri havasi kubvumidza kupindira muAmerica kwemazuva zana nemakumi maviri.

Musangano weAU uchapera nemusi weChipiri manheru uye uri kuitwa pasi pedingindira rekuunza budiriro kuburikidza nekuwanisa mukana vechidiki kana kuti “Harnessing the Demographic Dividend Through Investments in the Youth.” African Union iri kuzeyawo nyaya yekuti yozvimirira sei panyaya dzemari sezvo mari yayo inosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana ichibva kunze.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti zvinonetsa kuona hurumende dzemuAfrica dzichizvimirira panyaya yemabasa eAfrica Union nenyaya yehuori.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG