Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vochema Chema neKumanikidzwa Kutenga Nhumbi dzeVana paChikoro Kuti Vawane Nzvimbo


Vabereki vane vana vakawana nzvimbo dzeGrade One neForm One mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara nekumanikidzwa kutenga maUniforms pazvikoro kuti vapihwe nzvimbo.

Vabereki ava vanoti kuti mwana apihwe nzvimbo anofanirwa kubhadhara mari yechikoro pamwe chete neyenhumbi dzechikoro idzo dzinotengeswa pachikoro pacho.

Asi vabereki vanoti nhumbi dzechikoro dzinotengeswa pazvikoro dziri kudhura uye hadzina kusimba sezvakaita nhumbi dzechikoro dzinotengeswa kuzvitoro zvakaita seEnBee, Barbours kana Adams.

Chiri kunyanya kurwadza vabereki ndechekuti kana munhu asina kubhadhara mari yenhumbi dzechikoro mwana wake anoshaya nzvimbo yechikoro.

Mumwe mubereki VaJustin Nyachowe vanoti zvikoro zviri kubira vanhu mari sezvo vari kusanganisa kuwana nzvimbo dzechikoro nekutenga nhumbi dzechikoro dzevana.

Mumwe mubereki muzvare Georgina Komoto vane mwana akawana nzvimbo pachikoro cheNemakonde vanoti nhumbi dzinotengeswa kuchikoro hadzina kusimba asi dzinodhura . Muzvare Kamoto vanoti zviri pachena kuti muzvikoro mave kuitwa zvehuori.

Asi vamwe vabereki vanoti danho rekutenga nhumbi dzechikoro dzinogadzirwa nekambani imwechete rakanaka sezvo nhumbi dzacho dziine ruvara rwakafanana. VaChristopher Chaita mumwe wevabereki vane maonero akadaro.

Mukuru webazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West VaSylvester Mashayamombe vanoti hausi mutemo wehurumende kuti zvikoro zvitengesere vabereki nhumbi dzevana vechikoro.

VaMashayamombe vanoti kutengeswa kwenhumbi dzevana muzvikoro kunofanirwa kurerutsira vabereki kwete kuvaomesera.

VaMashayamombe vanoti mutemo wehurumende haumanikidzire mwana kuti apfeke nhumbi dzechikoro kuti adzidze.

Pane runyerekupe rwekuti makambani evakuru vakuru vemuhurumende ndiwo ari kusona nhumbi dzevana vechikoro idzo vabereki vari kuti dziri kudhura uye dzisina kusimba. Zvikoro zviri kuvhurwa musi wa 10 Ndira.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG