Accessibility links

Breaking News

Vanoita Zvekubheja Bhora neMabhiza Vopererwa neMari kuChinhoyi


Cristiano Ronaldo.
Cristiano Ronaldo.

Vatambi venjuga yebhora, mabhiza neimbwa havasi kufara nekutadza kubhadharwa mari dzavanenge vahwina muChinhoyi.

Vatambi ava vanoti kambani yeAfricaBet iyo inotambisa njuga muChinhoyi iri kutadza kuvabhadhara mari dzavanenge vahwina vachiti havana mari.

Vatambi ava vanoti havasi kufara nekutadza kubhadharwa vachiti kabhani iyi inofanirwa kuongororwa nehurumende kuti sei yakapihwa rezinesi iyo isingakwanise kubhadhara vanenge vahwina.

VaErusmus Dzikiti avo vakahwina mari inosvika mazana matatu pamatikiti maviri pazororo rekisimusi vanoti AfricaBet yatadza kuvapa mari yavo nhasi.

VaDzikiti vanoti havasi kufara sezvo vachifanirwa kudzosera mari yavainge vakwereta kutamba njuga yebhora rekuBritain.

VaDzikiti vanoti hurumende inofanirwa kuongorora makabhambani anotambisa njuga kuti vaone kuti anemari yekupa vanenge vahwina here kana kuti vatorerwere rezinesi.

Mumwe mutambi wenjuga yemabhiza VaFelix Motsi vanoti vatadza kuwana mari yavakahwina inosvika madhora makumi mana nemapfumbamwe vachinzi AfricaBet haina mari.

VaMotsi vanoti vanzi vaende kunobhadharwa mari iyi kuHarare. Asi VaMotsi vanoti havana madhora mashanu ekuenda kuHarare kunobhadharwa sezvo mari yakapera nekisimusi uye vanoti kuHarare hakusi iko kwavakatambira.

Asi mukuru weAfricaBet muChinhoyi muzvare Ethel vabvuma kuti kambani yavo iri kuita dambudziko rekubhadhara vanenge vahwina.

Muzvare Ethel vanoti vanopa vanhu vanenge vahwina zvichienderana nekuti ndiani atanga kuhwina.

Nekuda kwekushayikwa kwemabasa munyika vanhu vakawanda zvikuru vechidiki vave kurarama nekutamba njuga dzebhora dzetimu dzemhiri kwemakungwa kunyanya dzekuEurope.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG