Gore rino mutambo wetsiva wakarasikirwa zvikuru mushure mekushaika kwaMuhammed Ali uyo akatora mukombe wehuremu weheavyweight katatu uyezve anotorwa semutambi akarura kukunda vese kubvira mutambo uyu watanga kutambwa.
Ali ndiye akaita kuti makundano ehuremu weheavyweight aite mukurumbira hwaunawo ikozvino kuchizotevera vamwe vatambi vakaita sanaMike Tyson, Lennox Lewis,
Mutambi wemutambo wekarate vaGeorge Mukuche vanoti mutambo uyu nemitambo yese yakarasikirwa zvikuru zvichitevera kushaika kwaAli.
Ali uyo anobva kuAmereka akabatsira zvekare kuti mutambo wetsiva uyo waive usingateverwi neveruzhinji uve nechaunga chawavenacho nhasi.
Asi vatsigiri vetsiva muZimbabwe varikuenda vachiita vashoma nevashoma nemhaka yekushaikwa kwemitambo pamwe nevatambi vakawanda vane mazita.
Kunze kwaCharles Manyuchi uyo anemukombe weWorld Boxing Council wesirivha rehuremu hwewelterweight, Zimbabwe haisisina kana mutambi mumwechete arikukwikwidza kutora mukombe wemuAfrica kana wepasi pasi weAfrica Zone Six zvawo.
Zvenyika Arifonso uyo anonyanyozivikanwa nezita rekuti Mosquito uyo akatora mukombe weCommonwealth kaviri anobvuma kuti mutambo uyu wawira mumadhaka chaimo.
Chirikunyanyonetsa ndechevanoisa mari kuti vatambi vemuno vapinde munhandare vachirwa sezvo vemabhizimisi nemakambani vakaomerwa nekuoma kwakaita zvehupfumi munyika.
Gore rino rese kwakave nemutambo mumwechete chete apo vatambi vemuno vakapihwa mukana wekupinda munhandare neveOriental Boxing Promotions yekuZambia kuti varwe pamutambo waManyuchi uyo aitamba na Jose Augustine Feria weku Colombia.
Mutambi wetsiva wehureme hwe middleweight Farai Mugoni anoti chakonzera kuti mutambo uyu uve mumadhaka mauri ndechekuti hakuchisina varongi vemitambo vakaita savana Lorraine Muringi, Stalin Mau Mau, Paul Murinye pamwe nemushakabvu Jeff Dube avo vaiita kuti kuve nemitambo svondo rege rega.
Asi vaMau Mau vanoti mamiriro aita zvehupfumi munyika haachatenderi kuti munhu mumwechete abuditse mari yekuronga mitambo sezvo kusisina mari.
Va Mau Mau vanoti hazvichakwanisika kuisa mari mumutambo wetsiva unove mafaro iko kumba vana vachishaya chekudya kana kutadza kuenda kuchikoro.
VaMau Mau vanoti varikutotarisirawo rutsigiro kubva kumakambani anopa mari mumitambo kuti abatsirewo tsiva.
Vanoti makambani aya haafanire kusarudza nekupa mari kune mitambo inemukurumbira yakaita senhabvu nekiriketi vachikanganwa tsiva iyo yakapa Zimbabwe mukurumbira.
Zimbabwe yaimbove nemukurumbira wakaparira pasi rose ichitungamira muAfrica nevatambi vakaita saLangton Schoolboy Tinago, Zvenyika Mosquito Arifonso, Proud Kilimanjaro Chinembiri pamwe naStix McLoud avo vaive nemikombe yeCommonwealth pamwe neyemuAfrica.
Asi ikozvino Zimbabwe yasarwa naManyuchi chete uyo gore rino akatora bhande reWBC wesirivha mushure mekudambura Dmitry Mikhaylenko wekuRussia.
Hanzvadzi yaManyuchi Jaqueline akafara zvikuru nechiitiko ichi achiti iye aizviviza kuti Charles ainozviita kuRussia ikoko.
Asi Manyuchi wacho anechibvumirano neveOriental Boxing Promotions vekuZambia kuti arwire mitambo yake yese kuLusaka uko ave kutora sekumba kwake.
Aimbove shasha yeZimbabwe yehuremu welight-heavyweight pamwe neweheavyweight vaArigoma Chiponda vanoti vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe National Boxing Control Board ndivo vauraya mutambo.
VaChiponda vanoti mutambo uyu unofanira kutungamirwa nevakambopinda munhandare kuvhika zvibhakera.
Izvi zvakatsinhirwawo zvekare nababa vaCharles Manyuchi, Otis, avo vanoti maitiro evarikutungamira tsiva haaite kuti vechidiki vaite shungu dzekupinda mumutambo uyu.
Zvinhu zvikaramba zvakadai. Zvirikuratidza kuti zvichatora nguva yakareba zvikuru kuti Zimbabwe ikwanise kuwana zvekare vatambi veboxing vakaita saManyuchi, Schoolboy, Kilimanjaro, kana the Mosquito.