Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu, Zvita 23, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Tichakupai nyaya yekunetsana kwaAmai Grace Mugabe neimwe shoroma yekuDubai VaJamal Ahmed. Amai Mugabe vange vanzi vabude mudzimba nhatu dzavakatorera shoroma iyi nhasi.

Dambudziko rekusamira zvakanaka kwehupfumi pamwe nekushaikwa kwemari raita kuti vamwe vanhu vatadze kufamba kuenda kumisha yavo panguva yezororo rekisimusi.

Boka revechidiki rebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rine hurongwa hwekubatsira dzimwe mhuri dzenhengo dzebato iri dziri mujeri kuti dzive nezororo reKisimisi negore idzva rakanaka.

Vatambi vemitambo yakasiyana siyana votaura nezvavanenge vachiita pazororo rekisimusi.

Dura reropa reNational Blood Service Zimbabwe vanoti vane ropa rakakwana mumatura avo pazororo rino rekisimusi negoredzva.

Muchirongwa chatinotaura nevaimbi, nhasi tine hurukuro nemuimbi anonzi Rashid Muzori.

Muchirongwa chedu che LiveTalk, nhasi tiri kutaura nemi vatereri vedu nezvezororo rekisimusi negoredzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, Chishanu, Zvita 23, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG