Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 25, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bato reMDC-T roita musangano mukuru wepagore kuZimbabwe Grounds muHarare mangwana.

National Convergence Platform ichange ichitungamirirwa naBishop Sebastian Bakare kuyedza kubatanidza vana veZimbabwe yoparurwa muHarare nhasi.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa nhasi vagadzwa semufundisi wechechi yeApostolic Faith Mission mumabiko aitiriwa pachikoro chekudzidzira hufundisi che Living Water Bible College muHarare.

Gurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa VaMalusi Gigaba vanoti hurumende yavo iri kuongorora nyaya yemagwaro akapihqwa zvizvarwa zveZimbabwe nechinangwa chekuona kuti voitwa sei. Magwaro aya anopera munaZvita gore rinouya.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kusvika kwamvura yacheka makumbo mangwana. Asi mubvunzo mukuru ndewekuti, ndiani achatora mukombe mukuru uyu pakati peCaps United neFC Platinum.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yemagwaro ekushanda kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa uye magariro ari kuitawo zvizvarwa zveZimbabwe kune dzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, Chishanu Mbudzi 25, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG