Accessibility links

Breaking News

Muchuchusi weHurumende Okundikana Kuchuchisa Vakuru veVakarwa Hondo


Hofisi yemuchuchisi mukuru wehurumende nemusi weChitatu yakundikana kuchuchisa vatungamiri vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vange vachipomerwa mhosva yekunyomba mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vashanu vange vachichuchiswa vanosanganisa munyori mukuru wesangano iri VaVictor Matemadanda uye mutauriri waro VaDouglas Mahiya. Magweta evakarwa hondo aya ange achitiwo vakafanobata chigaro chemuchuchusi mukuru wehurumende VaRay Goba havana kusarudzwa zvakanaka nekuti vakambosungwa nemhosva yekutyaira vakadhakwa kuNamibia uye kuda kuvhiringidza kuferefetwa kwenyaya iyi muna2002.

Hatina kukwanisa kubata VaGoba kuti tinzwe divi ravo. Asi gweta revarwiri verusununguko ava VaHarrison Nkomo vaudza Studio 7 kuti dare raramba chikumbiro chevachuchusi chekukumbira imwezve nguva yekuti vagadzirise mapepa avo.

Hurukuro naVaHarrison Nkomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwe nyaya, sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rakabatsira VaNevson Mpofu vange vatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi nematatu kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso nyaya yavo ichizeyiwa zvekare.

Dare ramejastiriti kuBulawayo rainge ravabata nemhosva yekutapurira musikana wavo chirwere cheHIV maune.

Gweta reZLHR VaLizwe Jamela vanoti humbowo hwakashandiswa mudare kusungirira VaMpofu hwainge husina kumira zvakanaka. Mutongi wedare ramejastiriti kuBulawayo Amai Sibongile Marondedze vakawana VaMpofu vaine mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law (Codificationa and Reform) Act chikamu 9:23.

VaJamela vakati mutongo uyu wainge wakanyanyisa uye VaMpofu vakanzi vabvise mari yechibatiso nyaya yavo ichizeyiwa zvekare.

XS
SM
MD
LG