Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasimuka munyika nemusi weMuvhro vakananga kuMorocco kwavari kunopinda mumusangano unechekuita nezvemamiriro ekunze weCOP 22.
Musangano uyu uri kuitirwa muguta reMarrakesh kwavari kunosangana nevatungamiri vedzimwe nyika kuti vazeye nyaya dzezvemamiriro ekunze.
Musangano uyu unopindwa nenyika dzakasaina chibvumirano chemubatanidzwa wenyikwa dzepasi rino chinotarisa nyaya dzemamiriro ekunze kana kuti United Nations Framework Convention on Climate Change.
VaMugabe vakaperekedzwa kumusangano uyu negurukota rinoona nezvemamiriro ekunze, Amai Oppa Muchinguri Kashiri, gurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi pamwe nemutauriri wavo, VaGeorge Charamba.
Mumwe mudzidzi wezvidzidzo zvemamiriro ekunze kana kuti Environmental Science paUniversity of Zimbabwe, Muzvare Melody Kutsanzira vaudza Studio 7 kuti musangano uyu wakakoshera Zimbabwe zvikuru sezvo hupfumi hwenyika hwakabatwa nekurima uko kunobatwa nekuchinja kuri kuita mamiriro ekunze.
Zvichakadaro, mutauriri webato rinopikisa reZimbabwe People First, VaJealousy Mawarire, vati kunyange hazvo musangano uyu wakakosha, zvanga zvakakodzera kuti VaMugabe vatumire nhume pane kuti vashandise mari yenyika yakawanda vachienda ivo iyo homwe yehurumende yakabooka.
VaMawarire vanoti mari iri kushandiswa naVaMugabe avo vanogarofamba nevanhu vakawanda pose pavanoenda kunze, imari inogona kushandiswa kugadzirisa mamwe matambudziko akatarisana neveruzhinji.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura nenyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze kuti tinzwewo mafungiro adzo panyaya iyi.
Musangano weCOP 22 uchazeya nyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze, nyaya dzemhando dzemoto, kuwanikwa pamwe nekuchengetedzwa kwechikafu pamwe nenzira dzingashandiswa kuti zvinhu zvifambirane nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.
Musangano wezvemamiriro ekunze uyu uri kuitwa panguva iyo Zimbabwe iri imwe yedzimwe nyika dzemuAfrica dzakatarisana nenzara iyo yakakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Remangwana rezvekuchengetedzwa kwemamiriro ekunze harinawo kunyatsojeka mushure mekunge America yasarudzo VaDonald Trump kuti vave mutungamiri mutsva.
VaTrump nebato ravo remaDemocrats havawirirane zvachose nezviri kuitwa neUnited Nations kuyedza kugadzirisa nyaya yemamiriro ekunze.
VaTrump mukutsvaga rutsigiro vakati vanogona kusaremekedza zvibvumirano zvakaitwa nemutungamiri wenyika yavo vavarikuzotsiva VaBarack Obama zvakaita secheParis Agreement icho chakatora makore akawanda kuti chinyoreranwe.