Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neMDC-T Votaura nezveMusangano waVaObama naVaTrump


VaDonald Trump naVaBarack Obama
VaDonald Trump naVaBarack Obama

Vakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kusangana nhasi nemutungamiri wenyika wavari kuzotsiva VaBarack Obama kumuzinda weWhite House muWashington DC.

VaObama vaitsigira Amai Hillary Clinton vebato ravo remaDemocrats musarudzo.

VaTrump vachatora mhiko musi wa 20 Ndira vozotanga kutungamira muna 2017.

VaObama naVaTrump vanoonekwa semakara asionane asi setsika yemuAmerica vanofanira kumboshanda vose kuti vaone kuti masimba aendeswa kumutungamiri mutsva pasina dambudziko.

Asi vakawanda muAfrica vanoti nyaya yekuti sarudzo kana dzapera muAfrica vanhu vanenge vasisawirirane inokonzera matambudziko akanyanya munyaya dzezvematongerwo enyia nekugadzikana kwenyika.

Kusvika parizvino muZimbabwe, mutungamiri webato guru rinopikisa remMDC VaMorgan Tsvangirai havana kukorokotedza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mushure mesarudzo dzemuna 2013.

Nhengo yebato reZanu-PF inomiririra Makonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti hurumende yakagadzirira kushanda naVaTrump ndokunge vasingatevere mitemo yaVaObama.

Asi mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti havaone paine zvinchinja zvakawanda pamitemo yeAmerica.

Hurukuro naVaObert Guru naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG