Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeZimbabwe Inoti Inovimba Kuti Ichashanda Zvakanaka naVaTrump


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaChris Mushowe vaudza bepanhau reHerald kuti vanovimba kuti vasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaDonald Trump vachakwanisa kushanda neZimbabwe zvakanaka.

VaMushowe vati Zimbabwe inoremekedza zvido zvevanhu vemuAmerica vakavhota. Vatiwo Zimbabwe haina daka neAmerica uye vanoti vanofunga kuti VaTrump vachagadzirisa hukama hweZimbabwe neAmerica.

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vatiwo vakafara zvikuru nemashoko aVaTrump pavakakunda ekuti vanoda kushanda nenyika dzose.

VaMushowe vati vafadzwa nenyaya yekuti kunyangwe hazvo VaTrump vaitaura panguva yekutsvaga rutsigiro kuti vachasunga Amai Clinton, vave kurumbidzana.

Vati Zimbabwe haingafanotaura nezvehurumende itsva iri kuuya asi vati vane chivimbo chekuti inenge iri nani pane iripo iri kutungamirwa naVaBarack Obama.

XS
SM
MD
LG