Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Chivaviro Vopa Vasope Dambarefu Ravo Kuti Vabatsirikane


Reverend Chivaviro
Reverend Chivaviro

Mumwe Mufundisi weAssemblies of Pentecostal Methodists, anoimba nziyo dzechitendero Reverend Togarepi Tapera Chivariro vapa sangano re Alive Albinism Initiative mvumo yekutora dambarefu ravo rinonzi Tsitsi Dzake iHuru rakatsikiswa munaChikumi gore rino.

VaChivariro vanozivikanwa nenziyo yavo yakaita mukurumbira inonzi Ebenezer -Tiri munyasha vanova munyarikani kana kuti goodwill ambassador wesangano reAlive Albinism Intiative vanoti mushure mekuona kuti mari iri kunetsa kuunganidza kubatsira vasope vakaona zvakakodzera kupa damba refu ravo iri kusangano rinovamiririra.

VaChivaviro vatiwo semufundisi ishuviro ravo yekuti vanhu vagarisane pasina kusarudzana.

Gwenlisa Mushonga anova musope uye zvakare akatanga sangano reAlive Albinism ati vachashingairira zvikuru kutengesa damba refu iri kuti vabatsire nhengo dzavo zhinji dzacho dzakaomerwa nehupenyu uye dzisingakwanisi kuzvitsvakira mafuta nezvimwe zvinodiwa kuti vasaite chirwere chegomarara repaganda.

Gamuchirai Uzande imwe nhengo yeAlive Albinism Intiative afarawo zvikuru nekupiwa kwavo dambarefu iri akati zvichavabetsera zvikuru kuvandudza hupenyu hwavo nevamwewo vari kurarama nehusope.

Madambarefu anowanzotengeswa nedhora rimwe chete mumigwagwa. VaChivaviro vaudza vatori venhau kuti kuburikidza neArtisan Studio vachabikira sangano iri dambarefu iri pachena uye mari yese yavachawana vozotangawo mabhindauko ekuti vawane mari.

XS
SM
MD
LG